< Dhuteronomi 7 >

1 Zvino kana Jehovha Mwari wenyu akusvitsai munyika yamuri kupinda kuti ive yenyu akadzinga ndudzi zhinji pamberi penyu dzinoti: vaHiti, vaGirigashi, vaAmori, vaKenani vaPerizi, vaHivhi, navaJebhusi, ndudzi nomwe dzakakura uye dzakasimba kukupfuurai,
When the Lord thy God shall bring thee into the land whither thou goest to possess it, and cast out many nations before thee, the Hittites, and the Girgashites, and the Emorites, and the Canaanites, and the Perizzites, and the Hivites, and the Jebusites, seven nations, greater in number and mightier than thou;
2 uye kana Jehovha Mwari wenyu akavaisa mumaoko enyu akavakunda, ipapo munofanira kuvaparadza zvachose. Musaita chibvumirano navo, uye musavanzwira tsitsi.
And when the Lord thy God shall give them up before thee, and thou dost smite them: thou shalt utterly destroy them; thou shalt not make any covenant with them, nor show mercy unto them.
3 Musaroorerana navo. Musapa vanasikana venyu kuvanakomana vavo kana kutorera vanakomana venyu vanasikana vavo,
Neither shalt thou make marriages with them; thy daughters shalt thou not give unto his son, and his daughter shalt thou not take unto thy son.
4 nokuti vachatsausa vanakomana venyu kubva pakunditevera kuti vashumire vamwe vamwari, uye kutsamwa kwaJehovha kuchapisa pamusoro penyu uye achakuparadzai nokukurumidza.
For he would turn away thy son from following me, so that they might serve other gods; and the anger of the Lord would be kindled against you, and he would destroy thee speedily.
5 Izvi ndizvo zvamunofanira kuvaitira: Putsai aritari dzavo, pwanyai matombo avo anoera, temai mapango avo aAshera mugopisa zvifananidzo zvavo.
But thus shall ye do unto them: their altars shall ye pull down, and their statues shall ye break, and their groves shall ye cut down, and their graven images shall ye burn with fire.
6 Nokuti muri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wenyu, Jehovha Mwari wenyu akakutsaurai kubva kundudzi dzose dziri panyika kuti muve vanhu vake, pfuma yake inokosha.
For thou art a holy people unto the Lord thy God; of thee the Lord thy God hath made choice to be unto himself a special people, above all the nations that are upon the face of the earth.
7 Jehovha haana kukudai kana kukutsaurai nokuti makanga makawanda kupfuura dzimwe ndudzi nokuti imi makanga muri vashoma kwazvo pandudzi dzose.
Not because ye are more in number than all the nations, did the Lord desire you and make choice of you; for ye are the fewest of all the nations;
8 Asi nokuda kwokuti Jehovha anokudai uye akachengeta mhiko yaakaita kumadzitateguru enyu nokuda kwaizvozvo akakubudisai noruoko rune simba uye akakudzikinurai kubva munyika youranda, kubva pasimba raFaro mambo weIjipiti.
But on account of the love of the Lord for you, and because he keepeth the oath which he hath sworn unto your fathers, hath the Lord brought you out with a mighty hand, and redeemed you out of the house of bond-men, out of the hand of Pharaoh the king of Egypt.
9 Naizvozvo zivai kuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari; iye ndiMwari akatendeka anochengeta sungano yake yorudo kusvikira kumarudzi ane chiuru chamarudzi kuna avo vanomuda uye vanochengeta mirayiro yake.
Know then that the Eternal thy God, is the God, the faithful God, who keepeth the covenant and the mercy with those that love him and with those that keep his commandments to the thousandth generation;
10 Asi vaya vanomuvenga achatsiva pamberi pavo nokuparadza; haachazononoki kutsiva pamberi pavo ivo vaya vanomuvenga.
And repayeth those that hate him to their face, to destroy them; he will not delay to him that hateth him, he will repay him to his face.
11 Naizvozvo, chenjerai kuti mutevere zvakarayirwa, mitemo nemirayiro yandinokupai nhasi.
Therefore shalt thou keep the commandment, and the statutes, and the ordinances, which I command thee this day, to do them.
12 Kana mukanyatsoteerera mirayiro iyi uye mukachenjerera kuti muitevere, ipapo Jehovha Mwari wenyu achachengeta sungano yake yorudo nemi, sezvaakapika kumadzitateguru enyu.
And it shall come to pass in reward for that ye will hearken to these ordinances, and keep, and do them, that the Lord thy God will keep unto thee the covenant and the kindness which he hath sworn unto thy fathers:
13 Achakudai uye achakuropafadzai uye achakuwedzerai uwandu hwenyu. Acharopafadza zvibereko zvomuviri wako, zvirimwa zvomunda wako, zviyo zvako, waini itsva namafuta, mhuru dzemombe uye makwayana amapoka ako munyika iyo yaakapikira madzitateguru enyu, kuti achakupai.
And he will love thee, and bless thee, and multiply thee; and he will bless the fruit of thy womb, and the fruit of thy land, thy corn, and thy wine, and thy oil, the increase of thy cattle, and the young of thy flocks, in the land which he hath sworn unto thy fathers to give unto thee.
14 Mucharopafadzwa kupfuura mamwe marudzi ose, hapangavi nomurume kana mukadzi asingabereki, kana chipfuwo chipi zvacho chisingabereki.
Blessed shalt thou be above all the nations; there shall not be a barren male or female among thee, nor among thy cattle.
15 Jehovha achakuchengetedzai kubva pahosha dzose. Haangaisi pamusoro penyu hosha dzakaipisa dzamaiziva muIjipiti, asi achadziisa pamusoro paavo vose vanokuvengai.
And the Lord will take away from thee all sickness; and all the evil diseases of Egypt, which thou knowest, will he not put upon thee; but he will lay them upon all those that hate thee.
16 Munofanira kuparadza marudzi ose akaiswa mumaoko enyu naJehovha Mwari wenyu. Musavanzwira tsitsi uye musashumira vamwari vavo nokuti izvozvo zvichava musungo kwamuri.
And thou shalt consume all the nations which the Lord thy God giveth unto thee; thy eye shall not look with pity upon them: and thou shalt not serve their gods; for that would be a snare unto thee.
17 Mungati mumwoyo menyu, “Ndudzi idzi dzakasimba kutipfuura. Tingadzidzinga seiko?”
If thou shouldst say in thy heart, These nations are more numerous than I: how shall I be able to dispossess them?
18 Hamufaniri kuvatya; nyatsorangarirai zvakaitwa naJehovha Mwari wenyu kuna Faro neIjipiti yose.
Thou shalt not be afraid of them; [but] thou shalt well remember what the Lord thy God did unto Pharaoh, and unto all Egypt;
19 Makazviona nameso enyu matambudziko makuru, zviratidzo nezvishamiso, ruoko rune simba uye rwakatambanudzwa urwo Jehovha Mwari wenyu akakubudisai narwo. Jehovha Mwari wenyu achaita zvimwe chetezvo kumarudzi aya ose amava kutya zvino.
The great proofs which thy eyes have seen, and the signs, and the wonders, and the mighty hand, and the outstretched arm, whereby the Lord thy God brought thee out: in this wise will the Lord thy God do unto all the people of whom thou art afraid.
20 Pamusoro pezvo Jehovha Mwari achatumira mago pakati pavo kusvikira kunyange nevachasara vari vapenyu vakavanda kubva kwamuri vaparadzwa.
Moreover the hornet will the Lord thy God send out against them, until they that are left, and hide themselves from thee, be destroyed.
21 Musatyiswa navo, nokuti Jehovha Mwari wenyu, ari pakati penyu ndiMwari mukuru anotyisa.
Thou shalt not be affrighted at them; for the Lord thy God is in the midst of thee, a mighty and terrible God.
22 Jehovha Mwari wenyu achadzinga ndudzi idzi kubva pamberi penyu, zvishoma nezvishoma. Hamungatenderwi kuvaparadza vose kamwe chete, kuti zvikara zvesango zvirege kuwanda munzvimbo dzakakupoteredzai.
And the Lord thy God will chase out these nations before thee, little by little: thou shalt not be able to make an end of them speedily, lest the beasts of the field increase upon thee.
23 Asi Jehovha Mwari wenyu achavapa kwamuri, achivakanganisa zvikuru kusvikira vaparadzwa.
And the Lord thy God will give them up before thee, and he will bring among them a mighty confusion, until they be destroyed.
24 Achaisa madzimambo avo muruoko rwenyu, uye achabvisa mazita avo pasi pedenga. Hapana achagona kumira pamberi penyu; muchavaparadza.
And he will give their kings into thy hand, and thou shalt destroy their name from under the heavens: no man shall be able to stand up before thee, until thou have destroyed them.
25 Zvifananidzo zvavamwari vavo munofanira kuzvipisa. Musachiva sirivha kana negoridhe riri pazviri, uye musaritora kuti rive renyu, nokuti ringava musungo kwamuri, nokuti rinonyangadza kuna Jehovha Mwari wenyu.
The graven images of their gods shall ye burn with fire: thou shalt not covet the silver or gold that is on them, so that thou wouldst take it unto thyself, lest thou be ensnared thereby; for it is an abomination to the Lord thy God.
26 Usauyisa chinhu chinonyangadza mumba mako, kuti iwe, saicho, urege kutsaurirwa kuparadzwa. Chiseme kwazvo ugochivenga, nokuti chinhu chakatsaurirwa kuparadzwa.
And thou shalt not bring an abomination into thy house, lest thou become accursed like it: thou shalt utterly detest it, and thou shalt utterly abhor it; for it is accursed.

< Dhuteronomi 7 >