< Dhuteronomi 33 >

1 Uku ndiko kuropafadza kwaMozisi munhu waMwari kwaakataura kuvaIsraeri asati afa.
Voici la bénédiction dont Moïse, homme de Dieu, bénit les enfants d’Israël, avant de mourir.
2 Akati: “Jehovha akabva kuSinai akavabudira samambakwedza achibva kuSeiri; akapenya kubva paGomo reParani. Akauya nezviuru gumi zvavatsvene kubva rutivi rwezasi, kubva kumawere amakomo ake.
Il dit: Yahweh est venu de Sinaï, il s’est levé pour eux de Séïr, il a resplendi de la montagne de Pharan, il est sorti du milieu des saintes myriades; de sa droite jaillissaient pour eux des jets de lumière,
3 Zvirokwazvo ndimi makada vanhu; vatsvene vose vari muruoko rwenyu. Patsoka dzenyu vose vanopfugama, uye kubva kwamuri vanogamuchira kurayirwa,
Il aime aussi les peuples; tous ses saints sont dans ta main, eux sont assis à tes pieds, et chacun recueille ta parole.
4 murayiro watakapiwa naMozisi, nhaka yeungano yaJakobho.
Moïse nous a prescrit une loi, héritage de l’assemblée de Jacob.
5 Akanga ari mambo weJeshuruni vatungamiriri vavanhu pavakanga vakaungana, pamwe chete namarudzi aIsraeri.
Il devint roi en Jésurun, lorsque s’assemblèrent les chefs du peuple, avec les tribus d’Israël.
6 “Rubheni ngaararame arege kufa, uye vanhu vake ngavarege kuva vashoma.”
Que Ruben vive et qu’il ne meure pas, et que ses hommes ne soient pas réduits à un petit nombre!
7 Uye izvi ndizvo zvaakataura pamusoro paJudha: “Inzwai, imi Jehovha, kuchema kwaJudha; muuyisei kuvanhu vake. Namaoko ake acharwira mhaka yake. Haiwa, ivai mubatsiri wake pavavengi vake!”
Ceci est pour Juda; il dit: Ecoute, ô Yahweh, la voix de Juda, et ramène-le vers son peuple. De son bras il combattra pour Israël, et tu lui viendras en aide contre ses ennemis.
8 Pamusoro paRevhi akati, “Tumimi yenyu neUrimi yenyu ndezvomunhu wamunoda. Makamuedza paMasa; makarwa naye pamvura dzeMeribha.
Il dit pour Lévi: Ton Urim et ton Thummim sont confiés à ton homme saint, que tu as éprouvé à Massa, avec qui tu as contesté aux eaux de Mériba,
9 Akati pamusoro pababa namai vake, ‘Handivakudzi.’ Haana kurangarira hama dzake kana kuziva vana vake, asi akava mutariri weshoko renyu akachengetedza sungano yenyu.
qui a dit de son père et de sa mère: « Je ne les ai pas vus, » qui n’a pas reconnu ses frères, et ne sait rien de ses enfants. Car ils ont observé ta parole, et ils ont gardé ton alliance;
10 Anodzidzisa mitemo yenyu kuna Jakobho uye nemirayiro kuna Israeri. Achapa zvinonhuhwira pamberi penyu nezvipiriso zvose zvinopiswa paaritari yenyu.
ils enseignent tes ordonnances à Jacob, et ta loi à Israël; ils présentent l’encens à tes narines, et l’holocauste sur ton autel.
11 Ropafadzai kubata kwake kwose, imi Jehovha, mugofadzwa namabasa amaoko ake. Paradzai zviuno zvaavo vanomumukira: rovai vavengi vake kusvikira vasisamukizve.”
Bénis sa force, ô Yahweh; agrée l’œuvre de ses mains; brise les reins de ses adversaires, et de ceux qui le haïssent; qu’ils ne se relèvent plus!
12 Pamusoro paBhenjamini akati: “Regai mudikanwa waJehovha agare norugare maari, nokuti anomudzivirira zuva rose, uye regai uyo anodikanwa naJehovha agare pakati pamapfudzi ake.”
Il dit pour Benjamin: Bien-aimé de Yahweh, il habitera en sécurité auprès de lui. Yahweh le protège continuellement, entre ses épaules il repose.
13 Pamusoro paJosefa akati: “Jehovha ngaaropafadze nyika yake nedova rinokosha rokudenga kumusoro nemvura zhinji dzakadzika dziri pasi;
Il dit pour Joseph: Béni de Yahweh est son pays; à lui le précieux don du ciel, la rosée, les eaux de l’abîme étendu en bas,
14 nezvakanakisisa zvinouyiswa nezuva uye zvakaisvonaka zvinopiwa nomwedzi;
les produits excellents que fait mûrir le soleil, les fruits excellents des mois,
15 nezvipo zvakanakisisa zvokumakomo ekare uye nezvibereko zvemakomo okusingaperi;
les meilleurs produits des montagnes antiques, les dons excellents des collines éternelles,
16 nezvipo zvakanakisisa zvenyika nokuzara kwayo uye nenyasha dzake iye anogara mugwenzi rinopfuta. Zvose ngazvigare pamusoro waJosefa, pahuma yomuchinda pakati pehama dzake.
les dons excellents de la terre et de son abondance. Que la faveur de celui qui habita dans le buisson vienne sur la tête de Joseph, sur le haut de la tête du prince de ses frères!
17 Muumambo hwake anoita semhongora yenzombe; nyanga dzake dzakaita senyanga dzenyati. Nadzo achatunga ndudzi, kunyange vaya vari kumagumo enyika. Ava ndivo zviuru zvaManase.”
A son taureau premier-né, à lui est la gloire; ses cornes sont les cornes du buffle; il en frappera tous les peuples ensemble, jusqu’aux extrémités de la terre. Telles sont les myriades d’Ephraïm, tels sont les milliers de Manassé.
18 Pamusoro paZebhuruni akati: “Fara, iwe Zebhuruni, pakubuda kwako, newe Isakari mumatende ako.
Il dit pour Zabulon: Réjouis-toi, Zabulon, dans tes courses, et toi, Issachar, dans tes tentes!
19 Vachadanira vanhu kumakomo uye ikoko vagopa zvibayiro zvokururama; vachaguta nezvizhinji zvamakungwa, nepfuma yakavigwa mujecha.”
Ils appellent les peuples à venir sur la montagne; là, ils offriront des sacrifices de justice, car ils suceront l’abondance de la mer, et les richesses cachées dans le sable.
20 Pamusoro paGadhi akati: “Ngaaropafadzwe iye anokurisa nyika yaGadhi! Gadhi anogaramo seshumba, achibvambura ruoko kana musoro.
Il dit pour Gad: Béni soit celui qui met Gad au large! Il est couché comme une lionne; il déchire le bras, même la tête.
21 Akazvisarudzira nyika yakanakisisa; mugove womutungamiri waakachengeterwa iye. Vakuru vavanhu pavakaungana, iye akaita kuda kwaJehovha kwakarurama, uye nokutonga kwake pamusoro paIsraeri.”
Il s’est choisi les prémices du pays: car là était cachée une part de chef, et il a marché en tête du peuple, il a accompli la justice de Yahweh, et ses jugements avec Israël.
22 Pamusoro paDhani akati: “Dhani mwana weshumba, anokwakuka achibva muBhashani.”
Il dit pour Dan: Dan est un jeune lion, qui s’élance de Basan.
23 Pamusoro paNafutari akati: “Nafutari azere nenyasha dzaJehovha uye azere kuropafadza kwake: achatora nhaka nechezasi kugungwa.”
Il dit pour Nephthali: Nephthali, rassasié de faveurs, et comblé des bénédictions de Yahweh, prend possession de la mer et du midi.
24 Pamusoro paAsheri akati: “Akaropafadzwa kupfuura vanakomana vose ndiAsheri: ngaadikanwe nehama dzake, uye ngaashambe tsoka dzake mumafuta.
Il dit pour Aser: Béni soit Aser entre les fils de Jacob! Qu’il soit le favori de ses frères, et qu’il trempe son pied dans l’huile!
25 Zvipfigiso zvemasuo ako zvichava zvesimbi nendarira, uye simba rako richafanana namazuva ako.
Que tes verrous soient de fer et d’airain, et que ton repos dure autant que tes jours!
26 “Hapana akafanana naMwari waJeshuruni, iye anotasva denga kuti akubatsire uye namakore muumambo hwake.
Nul, ô Jésurun, n’est semblable à Dieu, qui marche sur les cieux pour venir à ton secours, et, dans sa majesté, sur les nues.
27 Mwari anogara nokusingaperi ndiye utiziro hwako, uye pasi pake pane maoko anogara nokusingaperi. Achadzinga vavengi vako kubva pamberi pako, achiti, ‘Muparadzei!’
C’est un refuge que le Dieu des temps antiques, il te soutient de ses bras éternels; il chasse devant toi l’ennemi, et il dit: « Détruis! »
28 Naizvozvo Israeri achagara murugare oga; tsime raJakobho rakachengetedzeka munyika yezviyo newaini itsva, ndiko kunodonhedzerwa dova nedenga.
Israël habite en sécurité; la source de Jacob coule à part, dans un pays de blé et de vin, et son ciel distille la rosée.
29 Wakaropafadzwa, iwe Israeri! Ndiani akafanana newe, rudzi rwakaponeswa naJehovha? Ndiye nhoo nomubatsiri wako uye nomunondo wako unobwinya. Vavengi vako vachazviisa pasi pako, uye iwe uchatsika-tsika nzvimbo dzavo dzakakwirira.”
Heureux es-tu, Israël! Qui est, comme toi, un peuple sauvé par Yahweh, le bouclier de ton secours, et l’épée de ta gloire? Tes ennemis feindront devant toi, et toi, tu marcheras sur leurs hauteurs.

< Dhuteronomi 33 >