< Dhuteronomi 26 >
1 Kana uchinge wapinda munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako senhaka uye kana uchinge waitora wava kugara mairi,
「你進去得了耶和華-你上帝所賜你為業之地居住,
2 utore zvimwe zvezvibereko zvose zvokutanga zvauchakohwa kubva pavhu renyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako ugozviisa mudengu. Ipapo ugoenda kunzvimbo iyo Jehovha Mwari wako achasarudza kuti Zita rake rigarepo,
就要從耶和華-你上帝賜你的地上將所收的各種初熟的土產取些來,盛在筐子裏,往耶和華-你上帝所選擇要立為他名的居所去,
3 uye ugoti kumuprista ari kushumira panguva iyoyo, “Ndinozvireva nhasi pamberi paJehovha Mwari wako kuti ndasvika munyika yakapikirwa madzitateguru edu naJehovha kuti achatipa.”
見當時作祭司的,對他說:『我今日向耶和華-你上帝明認,我已來到耶和華向我們列祖起誓應許賜給我們的地。』
4 Muprista anofanira kutora dengu kubva mumaoko ako agoriisa pasi pamberi pearitari yaJehovha Mwari wake.
祭司就從你手裏取過筐子來,放在耶和華-你上帝的壇前。
5 Ipapo uchataura pamberi paJehovha Mwari wako, uchiti, “Baba vangu vakanga vari muAramu mufambi, vakadzika vakaenda kuIjipiti navanhu vashoma uye vakagarako vakazova rudzi rukuru, rune simba uye runa vanhu vazhinji.
你要在耶和華-你上帝面前說:『我祖原是一個將亡的亞蘭人,下到埃及寄居。他人口稀少,在那裏卻成了又大又強、人數很多的國民。
6 Asi vaIjipita vakatiitira zvakaipa, vakatitambudza, vachitibatisa basa rinorema.
埃及人惡待我們,苦害我們,將苦工加在我們身上。
7 Ipapo takadana kuna Jehovha, iye Mwari wamadzibaba edu, uye Jehovha akanzwa inzwi redu akaona kutambudzika kwedu, kushandiswa nokumanikidzwa kwedu.
於是我們哀求耶和華-我們列祖的上帝,耶和華聽見我們的聲音,看見我們所受的困苦、勞碌、欺壓,
8 Saka Jehovha akatibudisa muIjipiti nechanza chine simba uye noruoko rwakatambanudzwa, nezvinotyisa, nezviratidzo uye nezvishamiso.
他就用大能的手和伸出來的膀臂,並大可畏的事與神蹟奇事,領我們出了埃及,
9 Akatiuyisa panzvimbo ino akatipa nyika ino, nyika inoyerera mukaka nouchi.
將我們領進這地方,把這流奶與蜜之地賜給我們。
10 Zvino ndauya nezvibereko zvokutanga zvevhu ramakandipa imi, iyemi Jehovha.” Uise dengu pamberi paJehovha Mwari wako uye ugopfugama pamberi pake.
耶和華啊,現在我把你所賜給我地上初熟的土產奉了來。』隨後你要把筐子放在耶和華-你上帝面前,向耶和華-你的上帝下拜。
11 Uye iwe navaRevhi, navatorwa vari pakati penyu muchafara mune zvose zvakanaka zvawakaitirwa naJehovha Mwari wako, iwe nemhuri yako.
你和利未人,並在你們中間寄居的,要因耶和華-你上帝所賜你和你家的一切福分歡樂。
12 Kana uchinge wapedza kutsaura chegumi chezvose zvawakawana mugore rechitatu, gore rechegumi, uchachipa kuvaRevhi, nokumutorwa, nokunherera uye nokuchirikadzi, kuitira kuti vagodya vachiguta mumaguta enyu.
「每逢三年,就是十分取一之年,你取完了一切土產的十分之一,要分給利未人和寄居的,與孤兒寡婦,使他們在你城中可以吃得飽足。
13 Ipapo ugoti kuna Jehovha Mwari wako, “Ndabvisa mugove mutsvene paimba yangu uye ndaupa kumuRevhi, nokumutorwa, nokunherera uye nokuchirikadzi, maererano nezvose zvamakarayira. Handina kutsauka kubva pamirayiro yenyu kana kukanganwa kunyange mumwe chete zvawo.
你又要在耶和華-你上帝面前說:『我已將聖物從我家裏拿出來,給了利未人和寄居的,與孤兒寡婦,是照你所吩咐我的一切命令。你的命令我都沒有違背,也沒有忘記。
14 Handina kudya kana chikamu zvacho chomugove mutsvene panguva yandaiva pakuchema, kana kubvisa chikamu chawo panguva yandaiva ndisina kunatswa, kana kupa chikamu chawo kuvakafa. Ndakateerera Jehovha Mwari wangu; ndaita zvose zvamakandirayira.
我守喪的時候,沒有吃這聖物;不潔淨的時候,也沒有拿出來,又沒有為死人送去。我聽從了耶和華-我上帝的話,都照你所吩咐的行了。
15 Tarirai muri kudenga, panzvimbo yougaro hwenyu tsvene, mugoropafadza vanhu venyu Israeri uye nenyika yamakatipa sezvamakavimbisa nemhiko kumadzitateguru edu, nyika inoyerera mukaka nouchi.”
求你從天上、你的聖所垂看,賜福給你的百姓以色列與你所賜給我們的地,就是你向我們列祖起誓賜我們流奶與蜜之地。』」
16 Jehovha Mwari wenyu anokurayirai nhasi kuti muteerere mitemo nemirayiro iyi; muchenjerere kuichengeta nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose.
「耶和華-你的上帝今日吩咐你行這些律例典章,所以你要盡心盡性謹守遵行。
17 Mareva nhasi kuti Jehovha ndiye Mwari wenyu uye kuti muchafamba munzira dzake, uye kuti muchamuteerera.
你今日認耶和華為你的上帝,應許遵行他的道,謹守他的律例、誡命、典章,聽從他的話。
18 Uye Jehovha azvireva nhasi kuti imi muri vanhu vake, pfuma yake inokosha sezvaakavimbisa, uye kuti imi muchachengeta mirayiro yake.
耶和華今日照他所應許你的,也認你為他的子民,使你謹守他的一切誡命,
19 Ati achakukurisai kwazvo kupfuura ndudzi dzose dzaakaita pakurumbidzwa, napamukurumbira napakukudzwa kuti muve rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wenyu, sezvaakavimbisa.
又使你得稱讚、美名、尊榮,超乎他所造的萬民之上,並照他所應許的使你歸耶和華-你上帝為聖潔的民。」