< VaKorose 3 >
1 Sezvo, zvino, makamutswa pamwe chete naKristu, isai mwoyo yenyu pazvinhu zviri kumusoro, uko kugere Kristu kuruoko rworudyi rwaMwari.
汝 等もしキリストと共に甦へらせられしならば、上にあるものを求めよ、キリスト彼處に在りて神の右に坐し給ふなり。
2 Isai pfungwa dzenyu pazvinhu zviri kumusoro, kwete pazvinhu zvenyika.
汝ら上にあるものを念ひ、地に在るものを念ふな、
3 Nokuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavigwa zvino naKristu muna Mwari.
汝らは死にたる者にして、其の生命はキリストとともに神の中に隱れ在ればなり。
4 Panoonekwa Kristu, iye upenyu hwenyu, ipapo nemiwo muchaonekwa pamwe chete naye mukubwinya.
我らの生命なるキリストの現れ給ふとき、汝らも之とともに榮光のうちに現れん。
5 Naizvozvo, urayai zvose zvenyu zvenyika zvinoti: upombwe, netsvina, nokusachena, nokuchiva, nokuda zvakaipa uye kukara, ndiko kunamata zvifananidzo.
されば地にある肢體、すなはち淫行・汚穢・情 慾・惡 慾・また慳貪を殺せ、慳貪は偶像 崇拜なり。
6 Nokuda kwaizvozvi, kutsamwa kwaMwari kuri kuuya.
神の怒は、これらの事によりて不 從順の子らに來るなり。
7 Imi maimbofamba mazviri, muupenyu hwamaimborarama.
汝らもかかる人の中に日を送りし時は、これらの惡しき事に歩めり。
8 Asi zvino munofanira kuzvidzora pane zvose zvakadai sezvizvi zvinoti: kutsamwa, hasha, ruvengo, makuhwa, nokutaura zvakaora zvichibva pamiromo yenyu.
されど今は凡て此 等のこと及び怒・憤恚・惡意を棄て、譏と恥づべき言とを汝らの口より棄てよ。
9 Musareverana nhema, sezvo makabvisa munhu wenyu wekare namabasa ake
互に虚言をいふな、汝らは既に舊き人とその行爲とを脱ぎて、
10 mukafuka munhu mutsva, ari kuvandudzwa mukuziva, mumufananidzo woMusiki wake.
新しき人を著たればなり。この新しき人は、これを造り給ひしものの像に循ひ、いよいよ新になりて知識に至るなり。
11 Apa hapachina muGiriki kana muJudha, kudzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa kana muSitia, nhapwa kana akasununguka, asi Kristu ndiye zvose, uye ari mune zvose.
かくてギリシヤ人とユダヤ人、割禮と無 割禮、あるひは夷狄、スクテヤ人・奴隷・自主の別ある事なし、それキリストは萬の物なり、萬のものの中にあり。
12 Naizvozvo savasanangurwa vaMwari, vatsvene uye vanodikanwa kwazvo, zvifukidzei netsitsi, nounyoro, nokuzvininipisa, nokupfava uye nomwoyo murefu.
この故に汝らは神の選民にして聖なる者また愛せらるる者なれば、慈悲の心・仁慈・謙遜・柔和・寛容を著よ。
13 Munzwirane tsitsi uye mukanganwirane pamhosva ipi zvayo yamunenge matadzirana. Mukanganwire sezvamakakanganwirwa naShe.
また互に忍びあひ、若し人に責むべき事あらば互に恕せ、主の汝らを恕し給へる如く汝らも然すべし。
14 Uye pazvinhu zvose izvi fukai rudo, runokusunganidzai pamwe chete muhumwe hwakakwana.
凡て此 等のものの上に愛を加へよ、愛は徳を全うする帶なり。
15 Rugare rwaKristu ngarutonge mumwoyo yenyu, sezvo senhengo dzomuviri mumwe makadanirwa kurugare. Uye munofanira kuvonga.
キリストの平和をして汝らの心を掌どらしめよ、汝らの召されて一體となりたるはこれが爲なり、汝ら感謝の心を懷け。
16 Shoko raKristu ngarigare zvakakwana mamuri pamunenge muchidzidzisana muchirayirana nouchenjeri hwose, uye muchiimba mapisarema, dzimbo nenziyo dzomweya muchivonga Mwari mumwoyo yenyu.
キリストの言をして豐に汝らの衷に住ましめ、凡ての知慧によりて、詩と讃美と靈の歌とをもて、互に教へ互に訓戒し、恩惠に感じて心のうちに神を讃美せよ。
17 Uye zvose zvamunoita, mushoko kana mumabasa, itai zvose muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari ivo Baba kubudikidza naye.
また爲す所の凡ての事、あるひは言あるひは行爲、みな主イエスの名に頼りて爲し、彼によりて父なる神に感謝せよ。
18 Vakadzi, zviisei pasi pavarume venyu, sezvazvakafanira muna She.
妻たる者よ、その夫に服へ、これ主にある者のなすべき事なり。
19 Varume, idai vakadzi venyu musingavabati nehasha.
夫たる者よ、その妻を愛せよ、苦をもて之を待ふな。
20 Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti izvi zvinofadza Ishe.
子たる者よ、凡ての事みな兩親に順へ、これ主の喜びたまふ所なり。
21 Madzibaba, musanetsa vana venyu, nokuti vanozoora mwoyo.
父たる者よ、汝らの子供を怒らすな、或は落膽することあらん。
22 Varanda, teererai vatenzi venyu vapanyika muzvinhu zvose; uye muzviite, kwete kuti vakuonei chete uye kuti mudikanwe navo, asi nokutendeka kwomwoyo uye nokutya Ishe.
僕たる者よ、凡ての事みな肉につける主人にしたがへ、人を喜ばする者の如く、ただ眼の前の事のみを勤めず、主を畏れ、眞心をもて從へ。
23 Zvose zvamunoita, itai zvose nomwoyo wose, savanhu vanoshandira Ishe, kwete munhu,
汝ら何事をなすにも人に事ふる如くせず、主に事ふる如く心より行へ。
24 sezvo muchiziva kuti muchagamuchira nhaka kubva kuna She somubayiro. NdiIshe Kristu wamunoshumira.
汝らは主より報として嗣業を受くることを知ればなり。汝らは主キリストに事ふる者なり。
25 Ani naani anoita zvakaipa achatsiviwa nokuda kwezvakaipa zvake, uye hapana kutsaura vanhu.
不義を行ふ者はその不義の報を受けん、主は偏り視 給ふことなし。