< 2 Samueri 6 >

1 Dhavhidhi akaunganidza zvakare varume veIsraeri vakanga vasarudzwa, vaisvika makumi matatu ezviuru.
После скупи опет Давид све људе изабране из Израиља, тридесет хиљада.
2 Akasimuka akaenda navanhu vose vaakanga anavo kuBhaara reJudha, kundotora areka yaMwari kubva ikoko, iyo inodanwa neZita, iro zita raJehovha Wamasimba Ose, agere pakati pamakerubhi ari pamusoro peareka.
Па се подиже Давид и сав народ што беше с њим и отиде из Вале Јудине да пренесе отуда ковчег Божји, код ког се призива име, име Господа над војскама, који седи на херувимима.
3 Vakaisa areka yaMwari mungoro itsva uye vakauya nayo kubva kumba kwaAbhinadhabhu, pachikomo. Uza naAhio, vanakomana vaAbhinadhabhu, ndivo vakanga vachifambisa ngoro itsva iyi
И метнуше ковчег Божји на нова кола, и повезоше га из куће Авинадавове, која беше на брду; а Уза и Ахијо синови Авинадавови управљаху новим колима.
4 areka yaMwari iri pamusoro payo, uye Ahio akanga achifamba mberi kwayo.
И одвезоше ковчег Божји из куће Авинадавове, која беше на брду, и Ахијо иђаше пред ковчегом.
5 Dhavhidhi neimba yose yeIsraeri vakapemberera Jehovha nesimba ravo rose, vachiimba nokuridza zviridzwa zvamarudzi ose zvomusipuresi, rudimbwa, mbira, matambureni, ngoma dzamatare namakandira.
А Давид и сав дом Израиљев удараху пред Господом у свакојаке справе од дрвета кедровог, у гусле, у псалтире, у бубње, у свирале и у кимвале.
6 Vakati vasvika paburiro raNakoni, Uza akatambanudza ruoko rwake ndokubata areka yaMwari, nokuti nzombe dzakanga dzagumburwa.
А кад дођоше до гумна Нахоновог, Уза се маши за ковчег Божји и прихвати га, јер волови потегоше на страну.
7 Kutsamwa kwaJehovha kwakapfuta pamusoro paUza nokuda kwokutadza kwake; naizvozvo Mwari akamuuraya ipapo parutivi peareka yaMwari.
И Господ се разгневи на Узу, и удари га Бог онде за ту непажњу, те умре онде код ковчега Божијег.
8 Ipapo Dhavhidhi akatsamwa nokuti Jehovha akanga atsamwira Uza, nokudaro kusvika zvino nzvimbo iyi inodaidzwa kuti Perezi Uza.
И ожалости се Давид што Господ уби Узу. Зато се прозва оно место Фарес-Уза до данас.
9 Dhavhidhi akatya Jehovha pazuva iri uye akati, “Zvino areka yaJehovha ichasvika seiko kwandiri?”
И уплаши се Давид од Господа у онај дан, и рече: Како ће доћи к мени ковчег Господњи?
10 Haana kuda kutora areka yaJehovha kuti aende nayo kuGuta raDhavhidhi. Asi akaitsautsira kumba kwaObhedhi-Edhomu muGiti.
И не хте Давид одвести ковчег Господњи к себи у град Давидов; него га склони Давид у кућу Овид-Едома Гетејина.
11 Areka yaJehovha yakagara mumba maObhedhi-Edhomu muGiti kwemwedzi mitatu, Jehovha akamuropafadza, iye neimba yake yose.
И оста ковчег Господњи у кући Овид-Едома Гетејина три месеца, и благослови Господ Овид-Едома и сав дом његов.
12 Zvino Mambo Dhavhidhi akaudzwa kuti, “Jehovha akaropafadza imba yaObhedhi-Edhomu nezvose zvaanazvo, nokuda kweareka yaMwari.” Saka Dhavhidhi akaburuka akandotora areka yaMwari kubva muimba yaObhedhi-Edhomu akakwidza nayo kuGuta raDhavhidhi achipembera nomufaro.
И јавише цару Давиду говорећи: Господ благослови дом Овид-Едомов и све што има ради ковчега Божијег. Тада отиде Давид, и пренесе ковчег Божји из куће Овид-Едомове у град Давидов с весељем.
13 Zvino avo vakanga vakatakura areka yaJehovha vaiti vakafamba nhambwe nhanhatu, vobayira nzombe nemhuru yakakodzwa.
И кад они који ношаху ковчег Господњи поступише шест корака, принесе на жртву вола и дебела овна.
14 Dhavhidhi, akapfeka efodhi yomucheka, akatamba pamberi paJehovha nesimba rake rose,
И Давид играше из све снаге пред Господом, и беше огрнут оплећком ланеним.
15 iye neimba yaIsraeri yose vakakwidza neareka yaJehovha vachipururudza nokuridza hwamanda.
Тако Давид и сав дом Израиљев ношаху ковчег Господњи подвикујући и трубећи у трубе.
16 Areka yaJehovha payakanga yopinda muGuta raDhavhidhi, Mikari mwanasikana waSauro akatarira napawindo. Uye paakaona Mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba pamberi paJehovha, akamushora mumwoyo make.
А кад ковчег Господњи улажаше у град Давидов, Михала кћи Саулова гледајући с прозора виде цара Давида где скаче и игра пред Господом, и подругну му се у срцу свом.
17 Vakasvika neareka yaJehovha vakaigadzika panzvimbo yayo mukati metende rayakanga yagadzirirwa naDhavhidhi, uye Dhavhidhi akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa pamberi paJehovha.
А кад донесоше ковчег Господњи, наместише га на његово место у шатору који му разапе Давид. И принесе Давид жртве захвалне пред Господом.
18 Zvino akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, akaropafadza vanhu muzita raJehovha Wamasimba Ose.
Потом принесавши Давид жртве паљенице и жртве захвалне благослови народ у име Господа над војскама.
19 Ipapo akazotorazve chingwa, keke ramadheti nekeke ramazambiringa akaomeswa akazvipa kuno mumwe nomumwe weungano yose yavaIsraeri, varume navakadzi. Uye vanhu vose vakaenda kudzimba dzavo.
И раздаде међу сав народ, међу све мноштво Израиљево, и људима и женама, сваком по један хлеб и комад меса и жбан вина. Потом отиде народ, свак својој кући.
20 Dhavhidhi paakadzokera kumba kuti andoropafadza veimba yake, Mikari mwanasikana waSauro akabuda kundosangana naye akati, “Mambo weIsraeri azvisimudzira sei nhasi, zvaabvisa nguo dzoushe pamberi pavarandakadzi vavaranda vake sezvinoitwa nebenzi ripi zvaro.”
И Давид се врати да благослови свој дом; а Михала кћи Саулова изиђе на сусрет Давиду, и рече: Како је славан био данас цар Израиљев, кад се данас откривао пред слушкињама слуга својих, као што се откривају никакви људи!
21 Dhavhidhi akati kuna Mikari, “Ndazviita pamberi paJehovha, iye akandisarudza pachinzvimbo chababa vako kana mumwe munhu upi zvake muimba yake uye akandiita kuti ndive mutongi wavanhu vaJehovha, vaIsraeri; naizvozvo ndichapembera pamberi paJehovha.
А Давид рече Михали: Пред Господом, који ме је изабрао преко оца твог и преко свега дома његовог, те ми заповедио да будем вођ народу Господњем, Израиљу, играо сам, и играћу пред Господом.
22 Ndichazvideredza kupfuura izvi, uye ndichazvininipisa pachangu. Asi kana vari varandakadzi vawareva, ndichakudzwa navo.”
И још ћу се већма понизити, и још ћу мањи себи бити; и опет ћу бити славан пред слушкињама, за које говориш.
23 Uye Mikari mwanasikana waSauro haana kubereka vana kusvikira pazuva rokufa kwake.
И Михала кћи Саулова не има порода до смрти своје.

< 2 Samueri 6 >