< 2 Madzimambo 24 >
1 Mumazuva okutonga kwaJehoyakimi Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akakunda nyika, Jehoyakimi akava muranda wake kwamakore matatu. Asi akazoshandura pfungwa dzake akamukira Nebhukadhinezari.
約雅金年間,巴比倫王拿步高進犯,約雅金臣服了他三年,以後又背叛了他。
2 Jehovha akatuma vaBhabhironi navaAramu navaMoabhu uye navaAmoni kuti vazorwisa. Akavatuma kunoparadza Judha, sezvakarehwa neshoko raJehovha rakataurwa navaranda vake navaprofita.
上主派加色丁、阿蘭、摩阿布和阿孟人的雜軍來,不斷侵犯約雅金;上主派這些人來進攻消滅猶大,正如上主藉他的僕人先知們所說的話。
3 Zvirokwazvo zvinhu izvi zvakaitika kuna Judha sezvazvakarayirwa naJehovha, kuitira kuti avabvise pamberi pake nokuda kwezvivi zvaManase nezvose zvaakaita,
猶大遭遇這件事,確是由上主的命令,因為衪要由自己面前拋棄猶大:這是為了默納舍所犯的一切罪患,
4 zvinosanganisira kuteura ropa risina mhosva. Nokuti akanga azadza Jerusarema neropa risina mhosva, uye Jehovha akanga asingadi kumukanganwira.
也是因了他所流的無辜者的血,他使無辜者的血流滿了耶路撒冷,上主不肯寬恕。
5 Kana zviri zvimwe zvakaitika pakutonga kwaJehoyakimi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?
約雅金其餘的事蹟,他行的一切,都記載在猶大列王的實錄上。
6 Jehoyakimi akazorora namadzibaba ake. Uye Jehoyakini, mwanakomana wake akamutevera paumambo.
約雅金與祖先同眼,他的兒子耶苛尼雅繼位為王。
7 Mambo weIjipiti haana kuzobudazve kubva munyika yake nokuti mambo weBhabhironi akanga atora nyika yake yose, kubva kuRwizi rweIjipiti kusvikira kuRwizi Yufuratesi.
從此埃及王不敢再離開本國出征,因為巴比倫王征服了從埃及河直到幼發拉的河屬於埃及的領土。
8 Jehoyakini akanga ava namakore gumi namasere paakava mambo, uye akatonga kwemwedzi mitatu muJerusarema. Zita ramai vake rainzi Nehushita mwanasikana waErinatani; vaibva muJerusarema.
耶苛尼雅登極時年十八歲,在耶路撒冷作王三個月;他的母親名叫胡市達,是耶路撒冷人厄耳納堂的女兒。
9 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake.
他行了上主視為惡的事,像他父親所行的一樣。
10 Panguva iyoyo varanda vaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakaenda kuJerusarema vakarikomba,
那時巴比倫王拿步高的臣僕前來圍攻耶路撒冷。
11 uye Nebhukadhinezari pachake akasvika kuguta, varanda vake pavakanga vakarikomba.
當他的臣僕圍攻耶路撒冷時,巴比倫王拿步高親自來督戰攻城。
12 Jehoyakini mambo weJudha, namai vake, navaranda vake, namakurukota ake, navabati vake vakazvipira vose kwaari. Mugore regumi namasere rokutonga kwamambo weBhabhironi, akatora Jehoyakini akamuita musungwa.
耶苛尼雅和他的母親臣僕、公卿以及太監,都出來投降巴比倫王;巴比倫王將他們擄去,時在巴比倫王在位第八年。
13 Sezvakanga zvarehwa naJehovha, Nebhukadhinezari akabvisa pfuma yose mutemberi yaJehovha nomumuzinda wamambo, uye akatora midziyo yose yegoridhe yakanga yaitirwa temberi yaJehovha naSoromoni mambo weIsraeri.
巴比倫王且搶去了上主殿內的一切寶藏,和王宮中的寶藏,打碎了以色列王撒羅滿為上主聖殿所製的一切金器,正如上主所預言的;
14 Akatapa Jerusarema rose: vabati vose navarume vehondo vose, navarume voumhizha vose, navapfuri vesimbi, vaiva vanhu zviuru gumi. Varombo vokupedzisira ndivo vakasara chete munyika imomo.
也擄去了耶路撒冷的民眾,所有的官紳和勇士,共一萬人,以及所有的工匠和鐵匠,只留下了地方上最窮苦的平民。
15 Nebhukadhinezari akatora Jehoyakini akamuita nhapwa kuBhabhironi. Akatorawo mai vamambo, navakadzi vake, navabati vake navarume vaitungamirira nyika muJerusarema akavaendesa kuBhabhironi.
他將耶苛尼雅擄到巴比倫去,也將太后、后妃、君王的內侍,以及地方上的王公大人,都從耶路撒冷擄到巴比倫去。
16 Mambo weBhabhironi akabudisawo hondo yose yavarume zviuru zvinomwe, vakasimba pakurwa, nechiuru chimwe chete chavarume voumhizha navapfuri vesimbi akavaendesa kuBhabhironi.
一切有氣力的人,人數約七千,工匠和鐵匠,人數約一千,都是能打仗的勇士,巴比倫王都擄到巴比倫去。
17 Akaita Matania babamunini vaJehoyakini, mambo panzvimbo yaJehoyakini uye akashandura zita rake akamutumidza kuti Zedhekia.
巴比倫王立了耶苛尼雅的叔父瑪塔尼雅代他為王,給他改名叫漆德克雅。
18 Zedhekia akanga ana makore makumi maviri nerimwe chete paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi nerimwe. Zita ramai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremia; vaibva kuRibhina.
漆德克雅登極時年二十一歲,在耶路撒冷為王十一年;他的母親始叫哈慕塔耳,是里貝納人耶勒米雅的女兒。
19 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaita Jehoyakini.
他行了上主視為惡的事,伓像約雅金所行的一樣;
20 Izvi zvakaitika kuJerusarema neJudha nokuda kwehasha dzaJehovha, uye pakupedzisira akavabvisa pamberi pake. Zvino Zedhekia akamukira mambo weBhabhironi.
因此,上主向耶路撒冷和猶大大發憤怒,由自己面前將他們拋棄。以後漆德克雅背叛了巴比倫王。