< 1 Makoronike 19 >

1 Mukufamba kwenguva, Nahashi mambo wavaAmoni akafa, mwanakomana wake akamutevera paumambo.
پس از چندی ناحاش، پادشاه عمون مرد و پسرش بر تخت او نشست.
2 Dhavhidhi akafunga akati, “Ndicharatidza mwoyo wakanaka kuna Hanuni mwanakomana waNahashi nokuti baba vake vakaratidza mwoyo wakanaka kwandiri.” Saka Dhavhidhi akatuma nhume kundonyaradza Hanuni pamusoro pababa vake. Vanhu vaDhavhidhi pavakasvika kuna Hanuni munyika yavaAmoni kuzomunyaradza,
داوود پادشاه پیش خود فکر کرد: «باید رسم دوستی را با حانون، پسر ناحاش بجا آورم، چون پدرش دوست باوفای من بود.» پس داوود نمایندگانی به دربار حانون فرستاد تا به او تسلیت بگویند. ولی وقتی نمایندگان به عمون رسیدند،
3 machinda avaAmoni akati kuna Hanuni, “Unofunga here kuti Dhavhidhi ari kukudza baba vako nokutuma vanhu vake kuti vauye kuzokunyaradza? Vanhu vake havana kuuya kuzosora nyika yedu here kuti vaitore?”
بزرگان عمون به حانون گفتند: «این اشخاص به احترام پدرت به اینجا نیامده‌اند، بلکه داوود آنها را فرستاده است تا پیش از حمله به ما، شهرها را جاسوسی کنند.»
4 Saka Hanuni akabata vanhu vaDhavhidhi, akavagera ndebvu dzavo, akacheka nguo dzavo napakati kumagaro, akavadzinga.
از این رو، حانون فرستاده‌های داوود را گرفته، ریششان را تراشید، لباسشان را از پشت پاره کرد و ایشان را نیمه برهنه به کشورشان برگردانید.
5 Mumwe munhu akauya akaudza Dhavhidhi pamusoro pavarume ava, Dhavhidhi akatuma nhume kuti dzinosangana navo nokuti vakanga vanyadziswa kwazvo. Mambo akati, “Garai paJeriko kusvikira ndebvu dzenyu dzakura, mugozodzoka.”
نمایندگان داوود خجالت می‌کشیدند با این وضع به وطن مراجعت کنند. داوود چون این خبر را شنید، دستور داد آنها در شهر اریحا بمانند تا ریششان بلند شود.
6 VaAmoni vakati vaziva kuti vakanga vava chinhu chinonhuhwa mumhino dzaDhavhidhi, Hanuni navaAmoni vakatumira chiuru chamatarenda esirivha kuti vanokumbira ngoro navachairi vadzo kubva kuAramu Naharaimu, Aramu Maaka nokuZobha.
مردم عمون وقتی فهمیدند با این کار، داوود را دشمن خود کرده‌اند، سی و چهار تن نقره فرستادند تا از معکه و صوبه، واقع در سوریه، ارابه‌ها و سواره نظام اجیر کنند.
7 Vakakumbira ngoro zviuru makumi matatu nezviviri navachairi vadzo, pamwe chete namambo weMaaka navarwi vake, uye akauya akadzika musasa pedyo neMedebha, ukuwo vaAmoni vachiungana kubva mumaguta avo, uye vakabuda kundorwa.
با این پول سی و دو هزار ارابه و خود پادشاه معکه و تمام سپاه او را اجیر کردند. این نیروها در میدبا اردو زدند و سربازان حانون پادشاه هم که از شهرهای عمون جمع شده بودند، در آنجا به ایشان پیوستند.
8 Paakanzwa izvi, Dhavhidhi akatuma Joabhu kuti abude nehondo yose yavarume vokurwa.
وقتی داوود از این موضوع باخبر شد، یوآب و تمام سپاه اسرائیل را به مقابله با آنها فرستاد.
9 VaAmoni vakabudawo vakagadzirira kurwa uye vakamira vari mumitsetse yokurwa pasuo reguta ravo, uye madzimambo akanga auya akanga ari pachawo musango.
عمونی‌ها از دروازه‌های شهر خود دفاع می‌کردند و نیروهای اجیر شده در صحرا مستقر شده بودند.
10 Joabhu akaona kuti kwaiva nemitsetse yavanhu vakagadzirira kurwa mberi kwake neshure kwake; saka akasarudza mamwe amapoka avarwi vapamusoro muIsraeri akavaendesa kuti vandorwa navaAramu.
وقتی یوآب دید که باید در دو جبهه بجنگد، گروهی از بهترین رزمندگان خود را انتخاب کرده، فرماندهی آنها را به عهده گرفت تا به جنگ سربازان سوری برود.
11 Akaisa vamwe varume vose pasi paAbhishai mununʼuna wake uye vakaendeswa kuti vandorwa navaAmoni.
بقیهٔ سربازان را نیز به برادرش ابیشای سپرد تا به عمونی‌ها که از شهر دفاع می‌کردند، حمله کند.
12 Joabhu akati, “Kana vaAramu vandikundaka, ipapo iwe unofanira kuzondinunura; asi kana vaAmoni vakakukunda, ipapo ini ndichakununura.
یوآب به برادرش گفت: «اگر از عهدهٔ سربازان سوری برنیامدم به کمک من بیا، و اگر تو از عهدهٔ عمونی‌ها برنیامدی، من به کمک تو می‌آیم.
13 Simba uye ngatirwirei vanhu vedu namaguta aMwari wedu takashinga. Jehovha achaita zvakanaka pamberi pake.”
شجاع باش! اگر واقعاً می‌خواهیم قوم خود و شهرهای خدای خود را نجات دهیم، امروز باید مردانه بجنگیم. هر چه خواست خداوند باشد، انجام می‌شود.»
14 Ipapo Joabhu navarwi vaiva naye vakaenda kundorwa navaAramu, ivo vakatiza pamberi pavo.
وقتی یوآب و سربازانش حمله کردند، سوری‌ها پا به فرار گذاشتند.
15 VaAmoni pavakaona kuti vaAramu vakanga vava kutiza, ivo vakatizawo pamberi pomununʼuna wake Abhishai vakamhanyira mukati meguta. Ipapo Joabhu akadzokera kuJerusarema.
عمونی‌ها نیز وقتی دیدند مزدوران سوری فرار می‌کنند، آنها هم گریختند و تا داخل شهر عقب‌نشینی نمودند. سپس یوآب به اورشلیم مراجعت کرد.
16 Mushure mokunge vaAramu vaona kuti vakanga vakundwa neIsraeri vakatumira nhume kunokokorodza vamwe vaAramu mberi kweRwizi, Shofaki mutungamiri wehondo yaHadhadhezeri achivatungamirira.
سوری‌ها وقتی دیدند نمی‌توانند در مقابل اسرائیلی‌ها مقاومت کنند، سربازان سوری شرق رود فرات را نیز به کمک طلبیدند. فرماندهی این نیروها به عهدهٔ شوبک فرماندهٔ سپاه هددعزر بود.
17 Dhavhidhi paakaudzwa izvi, akaunganidza Israeri yose ndokuyambuka Jorodhani; akaswedera kwavari kunovarwisa uye akaronga mitsetse yehondo akatarisana navo. Dhavhidhi akaita kuti mitsetse yake isangane navaAramu muhondo uye ivo vakarwa naye.
داوود چون این را شنید، همهٔ سربازان اسرائیلی را جمع کرده، از رود اردن گذشت و با نیروهای سوری وارد جنگ شد.
18 Asi vakatiza pamberi paIsraeri, uye Dhavhidhi akauraya zviuru zvinomwe zvavachairi vengoro, nezviuru makumi mana zvavarwi vetsoka. Akaurayawo Shofaki mutungamiri wehondo yavo.
ولی سوری‌ها باز هم گریختند و داوود و سربازانش هفت هزار ارابه سوار و چهل هزار پیاده سوری را کشتند. شوبک نیز در این جنگ کشته شد.
19 Varanda vaHadhadhezeri pavakaona kuti vakanga vakundwa neIsraeri, vakayanana naDhavhidhi uye vakava pasi pake. Saka vaAramu havana kuzoda kubatsira vaAmoni zvakare.
وقتی پادشاهان مزدور هددعزر دیدند که سربازان سوری شکست خورده‌اند، با داوود صلح نموده، به خدمت او درآمدند. از آن پس دیگر سوری‌ها به عمونی‌ها کمک نکردند.

< 1 Makoronike 19 >