< Obadias 1 >
1 Syni hans Obadja. So segjer Herren, Herren til Edom: Fretnad hev me fengje frå Herren, og bod er bore ut millom folki: «Kom! Lat oss fara til strid imot det!»
Zvakaratidzwa Obhadhia. Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro peEdhomu: Takanzwa shoko rakabva kuna Jehovha richiti: Nhume yakatumwa kundudzi kuti indotaura ichiti, “Simukai, tiende tindorwa hondo naye.”
2 Ja, liten gjer eg deg millom folki, og ovleg vanvyrd vert du.
“Tarirai, ndichakudukupisai pakati pendudzi; muchamhurwa zvachose.
3 Ditt hjartans ovmod hev dåra deg, du som i bergrivor byggjar, og bur i den høge heimen og segjer i ditt hjarta: «Kven kastar meg ned?»
Kuzvikudza kwemwoyo yenyu kwakakunyengerai, iyemi mugere mumikaha yamatombo muchiita kwakakwirira misha yenyu, imi munoti mumwoyo yenyu, ‘Ndianiko angandiburutsira pasi?’
4 Um du enn byggjer høgt som ørnen, og reiret ditt ligg millom stjernorne, eg kastar deg ned derifrå, segjer Herren.
Kunyange mukabhururuka segondo mukaruka dendere renyu pakati penyeredzi, kubva ipapo ndichakukandai pasi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
5 Um tjuvar kom til deg eller ransmenn um natti - kor du vert reint til inkjes! - Vilde dei’kje stela det dei trong? Og kom dei og hausta ditt vinberg, vilde dei’kje leiva etter seg?
“Kana mbavha dzikauya kwamuri, kana makororo usiku, haiwa, muchaparadzwa zvakadiniko? Havazoba kusvikira pavanoda here? Dai vatanhi vamazambiringa vaiuya kwamuri, ko, havaizosiya mazambiringa mashoma here?
6 Å, kor dei ransakar Esau, kor dei granskar hans skattar!
Asi Esau achasiyiwa seiko asina chinhu, pfuma yake yakavigwa ichatorwa!
7 Radt til landskilet driv dei deg alle dine sambandsbrøder; dei svik deg og vinn på deg dine gode vener. I staden for brød legg dei snara for deg som ikkje hev vit.
Vose vaiva nesungano newe vachakumanikidza kusvikira kumuganhu; shamwari dzako dzichakunyengera dzigokukunda; vanodya zvokudya zvako vachakuisira musungo, asi haungazvizivi.
8 Skal eg ikkje den dagen, segjer Herren, øyda ut dei vise or Edom, og vitet or Esaufjelli?
“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handingazoparadzi vachenjeri veEdhomu, varume vazere nokunzwisisa pakati pamakomo eEdhomu here?
9 Dei fæler kjemporne, Teman, so kvar mann or Esaufjelli vert utrudd og drepen.
Mhare dzako, iwe Temani, dzichavhunduka, uye vose vari mumakomo aEsau vachaparara pakuurayiwa ikoko.
10 For vald imot Jakob, bror din, skal du sveipast i skjemsla, ja, øydast til æveleg tid.
Nokuda kwokuti wakarwisa mununʼuna wako Jakobho, uchafukidzwa nenyadzi; uchaparadzwa nokusingaperi.
11 Den dagen du stod der og såg på, då framande rana hans eiga, og utlendingar kom i hans port og kasta lut um Jerusalem, då var du og som ein av dei.
Zuva iro rawakamira kure, vatorwa pavakatakura pfuma yake vakaenda nayo, uye vabvakure vakapinda mumasuo ake, vakakanda mijenya pamusoro peJerusarema, iwe wakaita somumwe wavo.
12 Sjå ikkje med hugnad på bror din’s dag, på hans motgangsdag, og gled deg ei yver Juda-borni, på øydingsdagen, og bruk ikkje bause ord på trengsledagen!
Haufaniri kutarisira mununʼuna wako pasi, pazuva rokushayiwa kwake, kana kufara pamusoro pavanhu veJudha, pazuva rokuparadzwa kwavo, kana kuzvikudza zvakanyanya pazuva rokutambudzika kwavo.
13 Drag ikkje inn igjenom mitt folks port på uferdsdagen! Sjå ikkje du og med lyst på hans naud på uferdsdagen! Rett ikkje handi etter hans eiga på uferdsdagen!
Hamufaniri kufamba napamasuo avanhu vangu, pazuva renjodzi yavo, kana kuvatarisira pasi vava munjodzi, pazuva renjodzi yavo, kana kuvatorera pfuma yavo pazuva renhamo yavo.
14 Og ikkje du stande ved vegemot til å rydja ut deim som rømar! Og fli ikkje ut deim som bergar seg på trengsledagen!
Hamufaniri kumira pamharadzano dzenzira, kuti muuraye vanotiza vavo, kana kuisa vakasara vavo kuvavengi vavo, pazuva rokutambudzika kwavo.
15 For Herrens dag er nær yver alle folki. Som du hev gjort, skal det gjerast med deg, di åtferd kjem att yver hovudet ditt.
“Zuva raJehovha rava pedyo kundudzi dzose. Sezvamakaita, ndizvo zvichaitwawo kwamuri; mabasa enyu achadzokera pamisoro yenyu chaiyo.
16 Som de hev drukke på mitt heilage fjell, skal alle folki drikka stødt, ja, drikka og slurpa og verta som aldri dei vore til.
Sezvamakanwa pagomo rangu dzvene, saizvozvowo ndudzi dzose dzicharamba dzichingonwa; dzichanwa nokunwa dzikaita sedzisina kumbovapo.
17 Men på Sionsfjellet skal det vera ein flokk av frelste, og det skal vera ein heilagdom, og Jakobs hus skal få att si odelseiga.
Asi paGomo reZioni pachava nokununurwa; richava dzvene, uye imba yaJakobho ichadzoserwa nhaka yayo.
18 Og Jakobs hus vert eld og Josefs hus ein loge, og Esaus hus vert til halm og eld set dei på det og øyder det ut, og ingen vert att av Esaus hus, for Herren hev tala.
Imba yaJakobho ichava moto, uye imba yaJosefa murazvo womoto; imba yaEsau ichava mashanga, uye vachaipisa nomoto vagoipedza. Hakuzovi navanopona muimba yaEsau.” Jehovha ataura izvozvo.
19 Og Sudlands-folket skal taka Esaufjellet og Låglands-folket filistarane, dei skal taka Efraims-bygdi og Samaria-bygdi, og Benjamin skal taka Gilead.
Vanhu vanobva kuNegevhi vachagara mumakomo aEsau, uye vanhu vanobva mujinga mezvikomo vachatora nyika yavaFiristia kuti ive yavo. Vachatora minda yaEfuremu pamwe chete neSamaria, kuti zvive zvavo, uye Bhenjamini achatora Gireadhi kuti ive yake.
20 Og dei burtførte av denne fylking av Israels-borni skal taka det som finst av kananitar alt til Sarefat, og dei burtførde frå Jerusalem som er i Sefarad, skal taka Sudlands-byarne i eiga.
Ungano iyi yavaIsraeri vakadzingwa vagere muKenani ichatora nyika kusvikira kuZarefati; vakadzingwa kubva muJerusarema vagere muSefaradhi vachatora maguta eNegevhi.
21 Og frelsarar skal draga upp på Sionsfjellet og døma Esaufjellet, og kongsveldet skal høyra Herren til.
Vaponesi vachakwira pamusoro peGomo reZioni, kuti vandotonga makomo aEsau. Uye ushe huchava hwaJehovha.