< Amahubo 50 >
1 Ihubo lika-Asafi. USomandla, uNkulunkulu, uThixo, uyakhuluma, ubiza umhlaba kusukela okuphuma khona ilanga kuze kufike lapho elitshona khona.
Pisarema raAsafi. Iye Wamasimba, Mwari, Jehovha, anotaura uye anodana nyika kubva pakubuda kwezuva kusvikira kwarinovirira.
2 EseZiyoni, epheleleyo ngobuhle, uNkulunkulu uyakhazimula.
Kubva kuZioni, rakakwana parunako, Mwari anopenya.
3 UNkulunkulu wethu uyeza, kayikuthula; umlilo uyahangula phambi kwakhe, emaceleni akhe kukhukhula isiphepho.
Mwari wedu anouya uye haanganyarari; moto unoparadza pamberi pake, uye dutu rine hasha rakamupoteredza.
4 Ubiza amazulu ngaphezulu lomhlaba, ukuze ehlulele abantu bakhe:
Anodana matenga kumusoro, uye nenyika, kuti atonge vanhu vake achiti:
5 “Qoqani kimi abahlanjululiweyo bami, abenza isivumelwano lami ngemihlatshelo.”
“Ndiunganidzirei vatsvene vangu, vakaita sungano neni nechibayiro.”
6 Lamazulu atshumayela ukulunga kwakhe; ngoba uNkulunkulu ngumahluleli ngokwakhe.
Uye matenga anoparidza kururama kwake, nokuti Mwari amene ndiye mutongi. Sera
7 “Zwanini, bantu bami, ngizakhuluma; yebo Israyeli, ngizafakaza ngimelane lawe; nginguNkulunkulu, Nkulunkulu wakho
“Inzwai, imi vanhu vangu, uye ndichataura, imi Israeri, uye ndichapupura pamusoro penyu: Ndini Mwari, Mwari wenyu.
8 Kangikukhuzi ngemihlatshelo yakho kumbe iminikelo yakho yokutshiswa, ehlezi ikhona phambi kwami.
Handikutukei nokuda kwezvibayiro zvenyu, kana zvipiriso zvenyu zvinopiswa, zvinogara zviri pamberi pangu.
9 Angisweli inkunzi ephuma esibayeni sakho kumbe imbuzi zesilugu sakho,
Handisi kuda hando inobva mudanga rako, kana mbudzi inobva muzvirugu zvako,
10 ngoba yiphi layiphi inyamazana yeganga ngeyami, lenkomo ezisemaqaqeni azinkulungwane.
nokuti mhuka dzose dzesango ndedzangu, nemombe pamakomo chiuru.
11 Ngazi zonke izinyoni ezisezintabeni, lezidalwa zeganga ngezami.
Ndinoziva shiri dzose dziri mumakomo, uye zvisikwa zvose zvesango ndezvangu.
12 Aluba ngangingolambayo ngangingekulitshela, ngoba umhlaba ngowami, lakho konke okukuwo.
Kana dai ndaiva nenzara, handaikuudza iwe, nokuti nyika ndeyangu, nezvose zviri mairi.
13 Ngidla inyama yezinkunzi yini kumbe nginatha igazi lembuzi na?
Ko, ndinodya nyama yehando kana kunwa ropa rembudzi here?
14 Yenzani imihlatshelo yokubonga kuNkulunkulu, gcwalisani izifungo zenu koPhezukonke,
“Bayirai zvibayiro zvokuvonga kuna Mwari, zadzisai zvamakapikira Wokumusoro-soro,
15 njalo lize kimi mhla lisekuhluphekeni; ngizalikhulula, lani lizangidumisa.”
uye mudane kwandiri pazuva rokutambudzika; ndichakurwirai, uye imi muchandikudza.”
16 Kodwa kwababi, uNkulunkulu uthi: “Lilelungelo bani ukukhuluma imithetho yami kumbe liphathe isivumelwano sami ezindebeni zenu na?
Asi kuna vakaipa, Mwari anoti: “Ko, une mvumo ipiko iwe yokuti ududzire mutemo wangu, kana kuisa sungano yangu pamiromo yako?
17 Liyazizonda iziqondiso zami, lilahlela amazwi ami emuva kwenu.
Unovenga kurayira kwangu, uye unorasira mashoko angu shure kwako.
18 Lithi lingabona isela lihle libambane lalo; lisuka lingenelane lezifebe.
Paunoona mbavha, unowadzana nayo; unogoverana nemhombwe mugove wako.
19 Lisebenzisa imilomo yenu ukukhuluma okubi lifundise ulimi lwenu inkohliso.
Unoshandisa muromo wako kuita zvakaipa, uye unorovedza rurimi rwako kukunyengera.
20 Linyeya umfowenu njalonjalo, limgcone umntakanyoko uqobo.
Unogara uchipomera hama yako uye unoitira mwanakomana wamai vako makuhwa.
21 Lizenzile lezizinto ngazithulela; lalikhumbula ukuthi ngifana lani. Kodwa ngizalikhuza ngilibonisa icala lenu obala.
Zvinhu izvi wakazviita ini ndikaramba ndinyerere; wakafunga kuti ndakafanana newe. Asi ndichakutsiura uye ndichaisa mhosva iyi pamberi pako.
22 Nanzelelani lokhu, lina elikhohlwa uNkulunkulu, funa ngilidabudabule, kungekho ongalilamulela:
“Fungai izvi, imi vanokanganwa Mwari, kuti ndirege kukubvambura-bvamburai mukashaya angakununurai:
23 Lowo onikela iminikelo yokubonga uyangidumisa, njalo ulungisa indlela ukuze ngimtshengise insindiso yami.”
Munhu anobayira chibayiro chokuvonga ndiye anondikudza, uye anogadzira nzira kuitira kuti ndimuratidze ruponeso rwaMwari.”