< Amahubo 106 >

1 Dumisani uThixo. Bongani uThixo, ngoba ulungile; uthando lwakhe lumi lanini.
Rumbidzai Jehovha. Vongai Jehovha, nokuti akanaka; nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.
2 Ngubani ongamemezela imisebenzi emikhulu kaThixo loba atsho ngokugcweleyo udumo lwakhe na?
Ndianiko angaparidza mabasa aJehovha esimba, kana kureva kurumbidzwa kwake kwose?
3 Babusisiwe labo abahlala besenza ngendlela enhle, abahlezi besenza okulungileyo.
Vakaropafadzwa vanochengeta kururamisira, vanogara vachiita zvakarurama.
4 Ungikhumbule, Thixo, nxa usuveza umusa ebantwini bakho, woza ungisize nxatshana usubasindisa,
Ndirangarirei, imi Jehovha, pamunoratidza nyasha kuvanhu venyu, pamunovaponesa, mundibatsirewo,
5 ukuze lami ngikholise ukuphumelela kwalabo obakhethileyo, ukuze ngabelwe entokozweni yesizwe sakho ngihlanganyele lelifa lakho ekudumiseni.
kuti ndifadzwe nokubudirira kwavasanangurwa venyu, kuti ndigovane pamufaro wavanhu venyu, uye ndibatane nenhaka yenyu pakurumbidza.
6 Sonile, njengalokho abakwenzayo okhokho bethu; senzile okubi senza izinto ezimbi.
Takatadza, sezvakaita madzibaba edu; takaita zvakaipa uye takaita mabasa akaipa.
7 Lapho okhokho bethu beseGibhithe, kabayinakanga imimangaliso yakho; kabazikhumbulanga izenzo zakho zomusa ezinengi, bahlamuka besolwandle, uLwandle oluBomvu.
Madzibaba edu paakanga ari muIjipiti, havana kumbofunga nezvezvishamiso zvenyu; havana kurangarira tsitsi dzenyu zhinji, asi vakakumukirai pagungwa, iro Gungwa Dzvuku.
8 Kodwa wabasindisa ngenxa yebizo lakhe, ukuze amandla akhe amakhulu aziwe.
Kunyange zvakadaro akavaponesa nokuda kwezita rake, kuti simba rake guru rizivikanwe.
9 Walukhuza uLwandle oluBomvu, loma qha; wabahola badabula ezinzikini njengasenkangala.
Akarayira Gungwa Dzvuku iro rikapwa; uye akavafambisa napakadzika sevanopfuura nomugwenga.
10 Wabasindisa esandleni sesitha; wabahlenga esandleni sesitha.
Akavaponesa kubva muruoko rwomuvengi; akavadzikinura kubva muruoko rwomuvengi.
11 Amanzi asibekela izitha zabo, kakho loyedwa wazo owasindayo.
Mvura zhinji yakafukidza vadzivisi vavo; hakuna mumwe wavo akapona.
12 Lapho-ke base bezikholwa izithembiso zakhe bahlabelela indumiso yakhe.
Ipapo vakatenda vimbiso dzake vakaimba vachimurumbidza.
13 Kodwa baphanga bakukhohlwa lokho ayekwenzile kabaze balindela ukweluleka kwakhe.
Asi vakakurumidza kukanganwa zvaakanga aita, uye vakasamirira kurayira kwake.
14 Enkangala bakhulelwa yizinkanuko zabo; khona emqothwini bamlinga uNkulunkulu.
Havana kuzvidzora pakukara kwavo mugwenga; vakaedza Mwari murenje.
15 Ngakho wabapha lokho abakucelayo, kodwa wabathela ngomkhuhlane ocikizayo.
Saka akavapa zvavakakumbira, asi akatuma chirwere chinopedza muviri pamusoro pavo.
16 Ezihonqweni basuka babalomhawu loMosi njalo lango-Aroni, owayengcwelisiwe kuThixo.
Vakaitira Mozisi godo mumusasa, naAroni, akanga akatsaurirwa kuna Jehovha.
17 Umhlaba wavuleka waginya uDathani; wagqibela ixuku lika-Abhiramu.
Nyika yakazaruka ikamedza Dhatani; ikaviga boka raAbhiramu.
18 Umlilo walavuza phakathi kwabalandeli babo; ilangabi labatshisa ababi.
Moto wakapfuta pakati pavateveri vavo; murazvo ukaparadza vakaipa.
19 EHorebhi benza ithole, bakhonza isithombe esenziwe ngensimbi.
Vakaumba mhuru paHorebhi, vakanamata chifananidzo chakaumbwa.
20 Badela ukuKhazimula kwabo bakhetha isithombe senkunzi edla utshani.
Vakatsinhanisa kubwinya kwavo nomufananidzo wehando, inodya uswa.
21 Bakhohlwa uNkulunkulu owabasindisayo, owayenze izinto ezinkulu eGibhithe,
Vakakanganwa Mwari akavaponesa, uyo akanga aita zvinhu zvikuru muIjipiti,
22 imimangaliso elizweni likaHamu lezenzo ezibabazekayo ngasoLwandle oluBomvu.
mabasa anoshamisa munyika yaHamu namabasa anotyisa paGungwa Dzvuku.
23 Ngakho wathi uzababhubhisa aluba kungesuMosi, owakhethwayo wakhe, owema phambi kwakhe ukuvalela ulaka lwakhe ukuze angababhubhisi.
Saka akati, achavaparadza, dai Mozisi, musanangurwa wake, asina kumira pamberi pake kuti adzore hasha dzake pakuvaparadza.
24 Kwathi njalo baleyisa ilizwe elihle; kabasikholwanga isithembiso sakhe.
Ipapo vakazvidza nyika inofadza; havana kutenda zvaakavimbisa.
25 Bakhonona besemathenteni abo kabaze bamlalela uThixo.
Vakanyunyuta vari mumatende avo vakasateerera Jehovha.
26 Ngakho wafunga kubo ephakamise isandla sakhe ukuthi wayezabenza bafele enkangala,
Saka akapika akasimudza ruoko rwake kuti achavaparadza murenje,
27 enze izizukulwane zabo ziqedwe ngabezizwe zihlakazeke emazweni wonke.
achaparadza zvizvarwa zvavo pakati pendudzi, agovaparadzira munyika dzose.
28 Bazibopha ingathi kusejogweni kuBhali wasePheyori badla imihlatshelo eyayinikelwe kubonkulunkulu abangaphiliyo;
Vakazvibatanidza pamwe chete naBhaari wePeori, uye vakadya zvibayiro zvakabayirwa vamwari vakafa.
29 bamthukuthelisa uThixo ngezenzo zabo ezimbi; kwavela isifo phakathi kwabo.
Vakatsamwisa Jehovha namabasa avo akaipa, uye denda rikavapo pakati pavo.
30 Kodwa uFinehasi wema wancenga isifo sadeda.
Asi Finehasi akasimuka, akaita zvakarurama, denda rikaguma.
31 Lokhu kwenza kuthiwe wayelungile kwaziswa izizukulwane zonke ezizayo.
Izvozvo zvakanzi kwaari kururama kusvikira kuzvizvarwa nezvizvarwa nokusingaperi.
32 Bamzondisa uThixo ngasemthonjeni weMeribha, uhlupho lwase lusehlela uMosi ngenxa yabo;
Vakatsamwisa Jehovha pamvura zhinji yeMeribha, uye Mozisi akaoneswa nhamo nokuda kwavo;
33 ngoba bahlamukela uMoya kaNkulunkulu, uMosi waze wakhupha amazwi amabi ngezindebe zakhe.
nokuti vakamukira Mweya waMwari, Mozisi akataura nehasha nomuromo wake.
34 Kabababhubhisanga abantu bezizwe njengalokhu ababekulaywe nguThixo,
Havana kuparadza marudzi sokurayirwa kwavakaitwa naJehovha,
35 kodwa baphithikana labezizwe bathatha imikhuba yazo.
asi vakavhengana nendudzi, vakatora tsika dzavo.
36 Bakhonza izithombe zazo, kwaba yisifu kubo.
Vakanamata zvifananidzo zvavo, izvo zvakazova musungo kwavari.
37 Benza imihlatshelo ngamadodana abo lamadodakazi abo emadimonini.
Vakabayira vanakomana vavo navanasikana vavo kumadhimoni.
38 Bachitha igazi elalingelacala, igazi lamadodana lamadodakazi abo, abenza ngabo imihlatshelo yezithombe zaseKhenani, ilizwe langcola ngegazi labo.
Vakateura ropa risina mhosva, iro ropa ravanakomana vavo neravanasikana vavo, vavakabayira kuzvifananidzo zveKenani, nyika ikasvibiswa neropa ravo.
39 Bazingcolisa ngalokho abakwenzayo; ngezenzo zabo baziphatha njengeziphingi.
Vakazvisvibisa nezvavakaita; vakazviitisa ufeve namabasa avo.
40 Ngakho uThixo wabathukuthelela abantu bakhe wanengwa yilifa lakhe.
Naizvozvo Jehovha akatsamwira vanhu vake, akasema nhaka yake.
41 Wabanikela kwabezizwe, izitha zabo zabusa phezu kwabo.
Akavaisa mumaoko endudzi, uye vakatongwa navavengi vavo.
42 Izitha zabo zabancindezela zababeka ngaphansi kwamandla azo.
Vavengi vavo vakavadzvinyirira, uye vakavaisa pasi pesimba ravo.
43 Izikhathi ezinengi wabakhulula, kodwa babezimisele ukuhlamuka bacikizeka ngenxa yesono sabo.
Akavarwira kakawanda, asi ivo vakanga vakarerekera pakumumukira vakaparadzwa muchivi chavo.
44 Kodwa wananzelela ukuhlupheka kwabo esezwile ukukhala kwabo;
Asi akatarisa kutambudzika kwavo paakanzwa kuchema kwavo;
45 ngenxa yokubahawukela wakhumbula isivumelwano sakhe, kwathi ngothando lwakhe olukhulu wadeda.
akarangarira sungano yake nokuda kwavo, uye akazvidemba nokuda kworudo rwake rukuru.
46 Wenza bonke labo ababebathumbile ukuthi babelesihawu kubo.
Akaita kuti vanzwirwe tsitsi navose vakavatapa.
47 Sisindise, Oh Thixo Nkulunkulu wethu, usiqoqe usikhulule phakathi kwezizwe, ukuze silibonge ibizo lakho elingcwele sijabule ekukudumiseni.
Tiponesei, imi Jehovha Mwari wedu, uye mutiunganidze kubva kundudzi, kuti tigovonga zita renyu dzvene. Tigofara mukurumbidzwa kwenyu.
48 Kabongwe uThixo, uNkulunkulu ka-Israyeli, kusukela nini kuze kube nininini. Akuthi bonke abantu bathi, “Ameni!” Dumisani uThixo.
Jehovha ngaarumbidzwe, iye Mwari waIsraeri, kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi. Vanhu vose ngavati, “Ameni!” Rumbidzai Jehovha.

< Amahubo 106 >