< ULevi 6 >

1 UThixo wathi kuMosi:
Jehovha akati kuna Mozisi,
2 “Nxa umuntu esona njalo engathembeki kuThixo ngokukhohlisa umakhelwane wakhe ngalokho ayabe ekuphathisiwe loba ayabe ekugcinisiwe loba okuyabe kuntshontshiwe, loba nxa edlelezela omunye,
“Kana mumwe akatadza uye akasavimbika kuna Jehovha nokunyengedza muvakidzani wake pazvinhu zvaakachengeteswa, kana zvaakabatiswa kana zvakabiwa, kana kuti akamubiridzira,
3 loba nxa ethola obekulahlekile kodwa aqambe amanga ngakho, loba nxa efunga ngokungamanga, loba nxa esenza loba yisiphi isono esingenziwa ngabantu,
kana kuti akawana nhumbi dzakarasika akareva nhema pamusoro padzo, kana kuti akapika nhema kana kuti akaita chivi chipi zvacho chingaitwa navanhu,
4 nxa esona kanjalo abe ngolecala, kumele abuyisele lokho ayabe ekuntshontshile loba ayabe ekuthethe ngodlakela, loba ayabe abe ekuphathisiwe, loba obekulahlekile wasekuthola,
kana akatadza kudaro akava nemhosva, anofanira kudzosa zvaakaba kana zvaakatora nokumanikidza, kana kuti zvaakachengeteswa kana kuti zvakarasika zvaakawana,
5 loba yingabe yini ayabe efunge ngayo ngokwamanga kumele ahlawule ngokugcweleyo, engeze ngokukodwa kokuhlanu kukho njalo akuphe umnikazi konke mhla evuma icala lakhe.
kana kuti chipi zvacho chaakapupura nhema pamusoro pacho. Anofanira kudzorera zvakazara owedzera chikamu chimwe chete kubva muzvishanu pazviri agopa zvose kumuridzi pazuva raanouya nechipiriso chemhosva.
6 Ukuhlawula icala kumele alethe kumphristi ozakusa kuThixo, umnikelo wakhe wecala, inqama esuka emhlambini, ingelasici njalo elingeneyo ngemfanelo.
Somuripo anofanira kuuyisa kumuprista, ndiko kuti kuna Jehovha, chipiriso chake chemhosva chegondobwe, kubva mumakwai, risina kuremara uye rine mutengo unokwanirana.
7 Ngalokho umphristi uzamenzela indlela yokubuyisana phambi kukaThixo, njalo uzathethelelwa ngalezi izinto azenzileyo ezimenze waba lecala.”
Nenzira iyi muprista achamuyananisira pamberi paJehovha uye acharegererwa pane zvose zvaakaita zvakamuita kuti ave nemhosva.”
8 UThixo wathi kuMosi:
Jehovha akati kuna Mozisi,
9 “Phana u-Aroni kanye lamadodana akhe umlayo lo: ‘Le yimithetho yomnikelo wokutshiswa: Umnikelo wokutshiswa kufanele usale eziko le-alithari ubusuku bonke kuze kuse, lomlilo kufanele uhlale ubhebha e-alithareni.
“Ipa Aroni navanakomana vake murayiro uyu uti, ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chinopiswa: Chipiriso chinopiswa chinofanira kuramba chiri pachoto paaritari usiku hwose, kusvikira mangwanani, uye moto unofanira kuramba uchibvira paaritari.
10 Umphristi uzagqoka-ke izigqoko zakhe zelembu, lezangaphansi kube ngezelembu, abesekhupha umlotha womnikelo wokutshiswa oyabe usutshiswe ngumlilo e-alithareni, awufake eceleni kwe-alithari.
Ipapo muprista achapfeka hanzu dzake dzomucheka, nebhurukwa rake romucheka pamuviri wake, uye achabvisa madota echipiriso chinopiswa nomoto paaritari agoaisa parutivi pearitari.
11 Abesekhulula izigqoko lezi agqoke ezinye, athwale umlotha awukhuphele phandle kwezihonqo endaweni ehlanzekileyo ngokomkhuba.
Ipapo anofanira kubvisa nguo idzi ogopfeka dzimwe, uye ogotakura madota aya agoenda nawo kunze kwomusasa kunzvimbo yakacheneswa.
12 Umlilo ose-alithareni kufanele uhlale ubhebha; akumelanga ucitshe. Insuku zonke ekuseni umphristi kumele engeze inkuni akhwezele, alungise kuhle umnikelo wokutshiswa emlilweni e-alithareni, atshise amahwahwa omnikelo wobudlelwano kulo i-alithari.
Moto uri paaritari unofanira kuramba uchibvira, haufaniri kudzima. Mangwanani oga oga muprista anofanira kuwedzera huni agoronga chipiriso chinopiswa pamoto, agopisa mafuta ezvipiriso zvokuwadzana pairi.
13 Umlilo kumele uhlale ubhebha e-alithareni; akumelanga ucitshe.’”
Moto unofanira kuramba uchibvira paaritari nguva dzose; uye haufaniri kudzima.
14 “‘Le yimithetho ephathelene lomnikelo wamabele okufanele amadodana ka-Aroni awulethe kuThixo, phambi kwe-alithari.
“‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chezviyo: Vanakomana vaAroni vanofanira kuuya nacho pamberi paJehovha, pamberi pearitari.
15 Umphristi kufanele acuphe ifulawa elicolekileyo kanye lamafutha, lempepha yonke yomnikelo wamabele, besekutshiswa ingxenye yesikhumbuzo e-alithareni, ibe liphunga elimnandi kuThixo.
Muprista anofanira kutora tsama youpfu hwakatsetseka namafuta, pamwe chete nezvinonhuhwira zvose pachipiriso chezviyo agopisa chikamu chechirangaridzo paaritari sezvinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha.
16 U-Aroni kanye lamadodana akhe bazakudla okuseleyo, kodwa kumele kudliwe kungela mvubelo endaweni engcwele; bakudlele egumeni lethente lokuhlangana.
Aroni navanakomana vake vachadya zvinosara zvacho, asi zvinofanira kudyiwa zvisina mbiriso panzvimbo tsvene, vanofanira kuzvidyira muchivanze cheTende Rokusangana.
17 Akumelanga kubhekhwe kulemvubelo. Ngibanika khona njengesabelo sabo seminikelo eyenziwa kimi ngomlilo. Kungcwele njengomnikelo wesono lomnikelo wecala.
Hazvifaniri kubikwa nembiriso, ndazvipa kwavari sechikamu chezvibayiro zvinoitwa kwandiri nomoto. Sechipiriso chezvivi nechipiriso chemhosva, zvitsvene-tsvene.
18 Bonke abesilisa enzalweni ka-Aroni bangakudla. Kuzoba yisabelo sabo kokuphela esivela eminikelweni eyenziwe ngomlilo kuThixo ezizukulwaneni ezizayo. Okubathintayo kuphela kuzakuba ngcwele.’”
Munhurume wose wechizvarwa chaAroni anogona kuzvidya. Chikamu chake chaanofanira kugara achiwana pazvipiriso zvinopiwa kuna Jehovha nomoto kuzvizvarwa zvichatevera. Munhu wose achabata izvi achava mutsvene.’”
19 UThixo wakhuluma njalo kuMosi wathi,
Uye Jehovha akati kuna Mozisi,
20 “Lo ngumnikelo ozanikelwa kuThixo ngu-Aroni kanye lamadodana akhe ngelanga azagcotshwa ngalo. Kuzakuba ngokwetshumi kwehefa yefulawa ecolekileyo, kube ngumnikelo wamabele owansuku zonke, ingxenye yawo ibe sekuseni kuthi enye ingxenye ibe kusihlwa.
“Ichi ndicho chibayiro chaAroni navanakomana vake chavanofanira kuuyisa kuna Jehovha pazuva raanozodzwa: chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka sechipiriso chezviyo chamazuva ose, hafu yacho mangwanani neimwe hafu manheru.
21 Kulungise ngamafutha emganwini wensimbi oyingubhe; kulethe kuhlanganiswe kuhle, ubususethula umnikelo wamabele wenziwe incezwana ube liphunga elimnandi kuThixo.
Zvibikei namafuta mugango. Muuye nazvo zvakasanganiswa zvakanaka, mugouya nechipiriso chezviyo chakamedurwa-medurwa sezvinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha.
22 Indodana egcotshelwe ukuthatha isikhundla sika-Aroni njengomphristi yiyo ezalungisa lokho. Kuyisabelo sikaThixo sansukuzonke, njalo kufanele kutshiswe ngokupheleleyo.
Mwanakomana achamutevera somuprista akazodzwa achazvigadzira. Chikamu chamazuva ose chaJehovha uye chinofanira kupiswa chose.
23 Yonke iminikelo yamabele yomphristi izatshiswa iphele; akumelanga idliwe.”
Zvose zvipiriso zvezviyo zvomuprista zvichapiswa chose, hazvifaniri kudyiwa.”
24 UThixo wathi kuMosi,
Jehovha akati kuna Mozisi,
25 “Tshono lokhu ku-Aroni lamadodana akhe: ‘Le yimithetho yomnikelo wesono: Umnikelo wesono kufanele uhlatshwe phambi kukaThixo endaweni lapho umnikelo wokutshiswa ohlatshelwa khona. Ungcwele kakhulu.
“Uti kuna Aroni navanakomana vake, ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chechivi. Chipiriso chechivi chinofanira kubayiwa pamberi paJehovha panzvimbo inobayirwa chipiriso chinopiswa; chitsvene-tsvene.
26 Umphristi owunikelayo uzawudla; kumele udlelwe endaweni engcwele egumeni lethente lokuhlangana.
Muprista anopa izvozvo achazvidya; zvinofanira kudyirwa panzvimbo tsvene muchivanze cheTende Rokusangana.
27 Konke okuthinta inyama leyo kuyakuba ngcwele.
Chose chinogunzva nyama chichava chitsvene, uye kana rimwe ropa rikawira panguo, unofanira kuisukira panzvimbo tsvene.
28 Imbiza yebumba okuphekwe ngayo inyama kumele ibulawe; kodwa nxa iphekwe ngembiza yethusi, imbiza kufanele iphalwe ihlanjululwe ngamanzi.
Hari yevhu inobikirwa nyama inofanira kuputswa; asi kana zvikabikwa mupoto yendarira, poto inofanira kukweshwa igosukurudzwa nemvura.
29 Wonke owesilisa emulini yomphristi uzawudla, ungcwele kakhulu.
Murume wose ari mumhuri yomuprista anogona kuidya; itsvene-tsvene.
30 Kodwa loba yiwuphi umnikelo wesono okulethwa igazi lawo ethenteni lokuhlangana ukwenza ukubuyisana eNdaweni eNgcwele kawungadliwa kumele utshiswe.’”
Asi chipiriso chechivi, chipi nechipi chine ropa richauyiswa muTende Rokusangana kuti rizoyananisira muNzvimbo Tsvene, hachifaniri kudyiwa; chinofanira kupiswa.

< ULevi 6 >