< UJeremiya 15 >

1 UThixo wasesithi kimi, “Lanxa uMosi loSamuyeli bengema phambi kwami, inhliziyo yami ingeke iphendukele kulababantu. Basuse phambi kwami! Kabahambe!
Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Kunyange dai Mozisi naSamueri vaimira pamberi pangu, mwoyo wangu hawaiva nehanya navanhu ava. Vadzingei pamberi pangu! Regai vaende!
2 Bangakubuza bathi, ‘Sizakuya ngaphi na?’ uthi kubo, uThixo uthi: ‘Abamiselwe ukufa, baya ekufeni; abenkemba, enkembeni; abendlala, endlaleni; abokuthunjwa, ekuthunjweni.’
Zvino kana vakakubvunza vachiti, ‘Tichaendepiko?’ Uvaudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha: “‘Vakafanirwa norufu ngavaende kurufu, vakafanirwa nomunondo, kumunondo; vakafanirwa nenzara, kunzara; vakafanirwa noutapwa, kuutapwa.’
3 Ngizabathumela imihlobo emine yabachithi,” kutsho uThixo, “inkemba yokubulala lezinja zokuhudulela khatshana njalo lezinyoni zasemoyeni kanye lezinyamazana zeganga ukuba zidle zibhuqe.
“Ndichatumira mhando ina dzavaparadzi pamusoro pavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “munondo kuti uuraye uye imbwa kuti dzikwekweredzere kure, neshiri dzedenga nemhuka dzenyika kuti dzidye uye dziparadze.
4 Ngizabenza banengeke emibusweni yonke yasemhlabeni ngenxa yalokho okwenziwa eJerusalema nguManase indodana kaHezekhiya inkosi yakoJuda.
Ndichaita kuti vavengwe noushe hwose hwenyika nokuda kwezvakaitwa muJerusarema naManase, mwanakomana waHezekia mambo weJudha.
5 Ngubani ozakuba lesihawu kuwe wena Jerusalema? Ngubani ozakukhalela na? Ngubani ozakuma abuze ukuthi unjani na?
“Ndianiko achakunzwira tsitsi, iwe Jerusarema? Ndianiko achakuchemera? Ndianiko achamira achikubvunza mufaro?
6 Ungalile,” kutsho uThixo. “Uqhubeka uhlehlela emuva. Ngakho ngizabeka izandla phezu kwakho ngikuchithe; ngingeke ngibe lesihawu futhi.
Wakandiramba,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Unoramba uchidzokera shure. Saka ndichakubata noruoko rwangu ndigokuparadza; handichagoni kuramba ndichikunzwira tsitsi.
7 Ngizabahlungula ngefologwe yokwela emasangweni amadolobho elizwe. Ngizaletha ukufelwa lokuchitheka ebantwini bami, ngoba kabaguqulanga izindlela zabo.
Ndichavarudza neforogo yokurudzisa, pamasuo eguta renyika. Ndichauyisa kufirwa nokuparadzwa pamusoro pavanhu vangu, nokuti havana kushandura nzira dzavo.
8 Ngizakwenza abafelokazi babo bande kakhulu kuletshebetshebe lasolwandle. Emini ngizakwehlisela umbulali phezu kwabonina bamajaha akibo; khonokho ngizabehlisela usizi lokwesaba.
Ndichawanza chirikadzi dzavo kupfuura jecha regungwa. Panguva yamasikati ndichauyisa muparadzi, pamusoro pavanamai vamajaya avo; pakarepo, ndichaburutsa pamusoro pavo kurwadziwa nokutya.
9 Unina wabayisikhombisa uzaqaleka aphefumule okokucina. Ilanga lakhe lizatshona kusesemini; uzayangiswa njalo eyiswe. Izinsalela ngizaziqeda ngenkemba phambi kwezitha zazo,” kutsho uThixo.
Mai vakabereka vana vanomwe vachaziya vagofa. Zuva rake richavira achiri masikati; achanyadziswa uye achaninipiswa. Vachapunyuka ndichavaisa kumunondo pamberi pavavengi vavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
10 Maye, wena mama, ngokuthi wangizala, mina muntu ilizwe lonke elibangisana laye njalo liphikisana laye! Kangikaze ngebolekise loba ngeboleke, kodwa bonke bayangithuka.
Yowe-e, mai vangu, zvamakandibereka kuti ndive murume anorwiswa uye anomisidzanwa naye nenyika yose! Handina kumbopa munhu chikwereti, kana kutora chikwereti, asi zvakadaro vanhu vose vanondituka.
11 UThixo wathi, “Ngeqiniso ngizakukhulula ngenjongo enhle; ngeqiniso ngizakwenza izitha zakho zikuncenge ezikhathini zomonakalo lezokuhlupheka.
Jehovha akati, “Zvirokwazvo ndichakurwira nokuda kwechikonzero chakanaka; zvirokwazvo ndichaita kuti vavengi vako vakunyengetedze panguva yenjodzi nepanguva yokutambudzika.
12 Umuntu angayiqamula insimbi, insimbi evela enyakatho kumbe ithusi na?
“Ko, munhu angavhuna simbi here, simbi inobva nechokumusoro, kana ndarira?
13 Inotho yakho lamatshe akho aligugu ngizakwenza kube yimpango, yamahala, ngenxa yezono zakho kulolonke ilizwe lakini.
Pfuma yako namatura ako ndichazvipa sezvakapambwa, pasina muripo, nokuda kwezvivi zvako zvose munyika yako yose.
14 Ngizakwenza ube yisigqili sezitha zakho elizweni ongalaziyo, ngoba ulaka lwami luzabhebha umlilo ozakutshisa.”
Ndichakuita muranda wavavengi vako kunyika yausingazivi, nokuti kutsamwa kwangu kuchabatidza moto uchapfuta kuti ukupise.”
15 Uyazwisisa wena Thixo; ngikhumbula ungikhathalele. Ungiphindiselele kwabangihluphayo. Uyabekezela, ungangigudluli; khumbula ukuthi ngithukwa njani ngenxa yakho.
Haiwa Jehovha, imi munonzwisisa; ndirangarirei mugondichengeta. Munditsivire kuvatambudzi vangu. Imi mune mwoyo murefu, musandibvisa; fungai kuti ndakanyadziswa sei nokuda kwenyu.
16 Ekufikeni kwamazwi akho, ngawadla; ayeyintokozo yami lenjabulo yenhliziyo yami, ngoba mina ngibizwa ngebizo lakho, wena Thixo Nkulunkulu Somandla.
Mashoko enyu paakasvika ndakaadya; akanga ari mufaro wangu nokufadzwa kwomwoyo wangu, nokuti ndakatumidzwa zita renyu, imi Jehovha Mwari Wamasimba Ose.
17 Kangizange ngihlale enhlanganisweni yabazithokozisayo, kumbe ngijabule labo; ngahlala ngedwa ngoba isandla sakho sasiphezu kwami njalo wawungenze ngagcwala intukuthelo.
Handina kumbogara pakati peungano yavanozvifadza, handina kumbofara navo; ndakagara ndoga nokuti ruoko rwenyu rwaiva pamusoro pangu, uye makanga mandizadza nokutsamwa.
18 Kungani ubuhlungu engibuzwayo bungapheli lenxeba lami lilibi kakhulu njalo lingelapheki na? Kimi uzakuba njengesifula esikhohlisayo, lanjengomthombo ongelamanzi na?
Seiko kurwadziwa kwangu kusingaperi, uye ronda rangu richirwadza uye risingarapiki? Muchava kwandiri sorukova runonyengera, sechitubu chinopwa?
19 Ngakho uThixo uthi: “Ungaphenduka, ngizakubuyisela ukuze ungikhonze; nxa ukhuluma amazwi afaneleyo, hatshi angasizi lutho, uzakuba yisikhulumeli sami. Abantu laba kabaphendukele kuwe, kodwa wena akumelanga uphendukele kubo.
Naizvozvo zvanzi naJehovha: “Kana ukatendeuka, ndichakudzosazve kuti ugondishumira; kana ukataura zvakafanira, kwete mashoko asakafanira, uchava munhu anotaura akandimirira. Vanhu ava ngavadzokere kwauri, asi iwe usaenda kwavari.
20 Ngizakwenza ube ngumduli kulababantu, umduli ovikelweyo wethusi; bazakulwa lawe kodwa kabayikukwehlula, ngoba mina ngilawe ukuba ngikuhlenge ngikusize,” kutsho uThixo.
Ndichakuita rusvingo kuvanhu ava, nhare yorusvingo rwendarira; vacharwa newe, asi havangakukundi, nokuti ini ndinewe, kuti ndikurwire ndigokuponesa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
21 “Ngizakuhlenga ezandleni zababi ngikukhulule ezandleni zabalesihluku.”
“Ndichakuponesa kubva mumaoko avakaipa uye ndichakudzikinura pamaoko avano utsinye.”

< UJeremiya 15 >