< 민수기 8 >

1 여호와께서 또 모세에게 일러 가라사대
Jehovha akati kuna Mozisi,
2 아론에게 고하여 이르라 등을 켤 때에는 일곱 등잔을 등대 앞으로 비취게 할지니라 하시매
“Taura naAroni uti kwaari, ‘Kana uchimisa mwenje minonwe, inofanira kuvhenekera nzvimbo iri mberi kwechigadziko chomwenje.’”
3 아론이 그리하여 등불을 등대 앞으로 비취도록 켰으니 여호와께서 모세에게 명하심과 같았더라
Aroni akaita saizvozvo; akamisa mwenje yakatarisa mberi kuchigadziko chomwenje, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
4 이 등대의 제도는 이러하니 곧 금을 쳐서 만든 것인데 밑판에서 그 꽃까지 쳐서 만든 것이라 모세가 여호와께서 자기에게 보이신 식양을 따라 이 등대를 만들었더라
Aya ndiwo magadzirirwo akanga akaitwa chigadziko chomwenje: Chakanga chakaitwa negoridhe rakapambadzirwa kubva pahwaro hwacho kusvikira pamaruva acho. Chigadziko chomwenje chakanga chakagadzirwa zvakanyatsofanana nomufananidzo wakanga waratidzwa Mozisi naJehovha.
5 여호와께서 모세에게 일러 가라사대
Jehovha akati kuna Mozisi:
6 이스라엘 자손 중에서 레위인을 취하여 정결케 하라
“Bvisa vaRevhi pakati pavamwe vaIsraeri ugovanatsa.
7 너는 이같이 하여 그들을 정결케 하되 곧 속죄의 물로 그들에게 뿌리고 그들로 그 전신을 삭도로 밀게 하고 그 의복을 빨게 하여 몸을 정결케 하고
Pakuvanatsa, unofanira kuita izvi: Sasa pamusoro pavo mvura yokuvachenesa; ipapo ugoita kuti vaveure miviri yavo yose vagosuka nguo dzavo, kuitira kuti vazvinatse.
8 또 그들로 수송아지 하나를 번제물로, 기름 섞은 고운 가루를 그 소제물로 취하게 하고 그 외에 너는 또 수송아지 하나를 속죄물로 취하고
Uite kuti vatore hando duku nechipiriso chayo chezviyo choupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta, ipapo munofanira kutorazve imwe hando duku yechipiriso chechivi.
9 레위인을 회막 앞에 나오게 하고 이스라엘 자손의 온 회중을 모으고
Uuye navaRevhi mberi kweTende Rokusangana ugounganidza ungano yose yavaIsraeri.
10 레위인을 여호와 앞에 나오게 하고 이스라엘 자손으로 그들에게 안수케 한 후에
Unofanira kuuya navaRevhi pamberi paJehovha, uye vaIsraeri vanofanira kuisa maoko avo pamusoro pavo.
11 아론이 이스라엘 자손을 위하여 레위인을 요제로 여호와 앞에 드릴지니 이는 그들로 여호와를 봉사케 하기 위함이라
Aroni anofanira kuisa vaRevhi pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira chinobva kuvaIsraeri, kuitira kuti vagadzirire kuita basa raJehovha.
12 레위인으로 수송아지들의 머리를 안수케 하고 네가 그 하나는 속죄제물로 하나는 번제물로 여호와께 드려 레위인을 속죄하고
“Mushure mokunge vaRevhi vaisa maoko avo pamisoro yehando, ushandise imwe yacho sechipiriso chechivi kuna Jehovha uye imwe yacho sechipiriso chinopiswa, kuti uyananisire vaRevhi.
13 레위인을 아론과 그 아들들 앞에 세워 여호와께 요제로 드릴지니라
Uite kuti vaRevhi vamire pamberi paAroni navanakomana vake ipapo ugovakumikidza sechipiriso chokuninira kuna Jehovha.
14 너는 이같이 이스라엘 자손 중에서 레위인을 구별하라 그리하면 그들이 내게 속할 것이라
Nenzira iyi unofanira kutsaura vaRevhi pakati pavamwe vaIsraeri, uye vaRevhi vachava vangu.
15 네가 그들을 정결케 하여 요제로 드린 후에 그들이 회막에 들어가서 봉사할 것이니라
“Mushure mokunge wanatsa vaRevhi nokuvakumikidza sechipiriso chokuninira, vanofanira kuuya kuzoita basa ravo paTende Rokusangana.
16 그들은 이스라엘 자손 중에서 내게 온전히 드린바 된 자라 이스라엘 자손 중 일절 초태생 곧 모든 처음 난 자의 대신으로 내가 그들을 취하였나니
Ivo ndivo vaIsraeri vachapiwa zvachose kwandiri. Ndakavatora kuti vave vangu pachinzvimbo chamatangwe, vanakomana vokutanga vomukadzi mumwe nomumwe womuIsraeri.
17 이스라엘 자손 중에 처음 난 것은 사람이든지 짐승이든지 다 내게 속하였음은 내가 애굽 땅에서 그 모든 처음 난 자를 치던 날 에 내가 그들을 내게 구별하였음이라
Chibereko chose chokutanga chechikono muIsraeri, angava munhu kana chipfuwo, ndechangu. Pandakauraya matangwe ose muIjipiti, ndakazvitsaurira ivo kwandiri.
18 이러므로 내가 이스라엘 자손 중 모든 처음 난 자의 대신으로 레위인을 취하였느니라
Uye ndakatora vaRevhi panzvimbo yavanakomana veIsraeri vamatangwe.
19 내가 이스라엘 자손 중에서 레위인을 취하여 그들을 아론과 그 아들들에게 선물로 주어서 그들로 회막에서 이스라엘 자손을 대신하여 봉사하게 하며 또 이스라엘 자손을 위하여 속죄하게 하였나니 이는 이스라엘 자손이 성소에 가까이 할 때에 그들 중에 재앙이 없게 하려하였음이니라
PavaIsraeri vose, ndakapa vaRevhi sezvipo kuna Aroni navanakomana vake kuti vaite basa paTende Rokusangana vakamirira vaIsraeri uye kuti vayananisire vaIsraeri kuti varege kuurayiwa nedenda pavanenge vaswedera kunzvimbo tsvene.”
20 모세와 아론과 이스라엘 자손의 온 회중이 여호와께서 레위인에게 대하여 모세에게 명하신 것을 다 좇아 레위인에게 행하였으되 곧 이스라엘 자손이 그와 같이 그들에게 행하였더라
Mozisi, Aroni neungano yose yeIsraeri vakaitira vaRevhi sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
21 레위인이 이에 죄에서 스스로 깨끗케 하고 그 옷을 빨매 아론이 그들을 여호와 앞에 요제로 드리고 그가 또 그들을 위하여 속죄 하여 정결케 한
VaRevhi vakazvinatsa vakasuka nguo dzavo. Ipapo Aroni akavaisa pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira akavayananisira kuti vanatswe.
22 후에 레위인이 회막에 들어가서 아론과 그 아들들의 앞에서 봉사하니라 여호와께서 레위인의 일에 대하여 모세에게 명하신 것을 좇아 그와 같이 그들에게 행하였더라
Shure kwaizvozvo, vaRevhi vakauya kuzoshanda basa ravo paTende Rokusangana vachitungamirirwa naAroni navanakomana vake. Vakaitira vaRevhi sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
23 여호와께서 또 모세에게 일러 가라사대
Jehovha akati kuna Mozisi,
24 레위인은 이같이 할지니 곧 이십 오세 이상으로는 회막에 들어와서 봉사하여 일할 것이요
“Izvi ndizvo zvichaitwa navaRevhi: Vamwe vana makore makumi maviri namashanu kana anopfuura vachauya kuzoshanda basa paTende Rokusangana,
25 오십세부터는 그 일을 쉬어 봉사하지 아니할 것이나
asi kana vasvika makore makumi mashanu, vanofanira kuregedza basa ravo uye varege kuzoshandazve.
26 그 형제와 함께 회막에서 모시는 직무를 지킬 것이요 일하지 아니할 것이라 너는 레위인의 직무에 대하여 이같이 할지니라
Vangabatsira havo hama dzavo kuita mabasa apaTende Rokusangana, asi ivo pachavo havafaniri kushanda basa. Zvino, izvi ndizvo zvaunofanira kurayira vaRevhi kuti vaite.”

< 민수기 8 >