< 욥기 20 >

1 나아마 사람 소발이 대답하여 가로되
Ipapo Zofari muNaamati akapindura akati:
2 그러므로 내 생각이 내게 대답하나니 이는 내 중심이 초급함이니라
“Ndangariro dzangu dzokutambudzika dzinondikurumidzisa kuti ndipindure nokuti ndakanganisika kwazvo.
3 내가 나를 부끄럽게 하는 책망을 들었으므로 나의 슬기로운 마음이 내게 대답하는구나
Ndiri kunzwa kutsiura kunondizvidza, uye kunzwisisa kwangu kunondikurudzira kuti ndipindure.
4 네가 알지 못하느냐 예로부터 사람이 이 세상에 있어 옴으로
“Zvirokwazvo unoziva zvazvakanga zvakaita kubva kare, kubvira pakaiswa munhu panyika,
5 악인의 이기는 자랑도 잠시요 사곡한 자의 즐거움도 잠간이니라
kuti kufara kwavakaipa kupfupi, mufaro wavasina Mwari ndowenguva duku.
6 그 높기가 하늘에 닿고 그 머리가 구름에 미칠지라도
Kunyange kuzvikudza kwake kuchisvika kudenga, uye musoro wake uchindobata makore,
7 자기의 똥처럼 영원히 망할 것이라 그를 본 자가 이르기를 그가 어디 있느냐 하리라
achaparara nokusingaperi, setsvina yake pachake; vaya vaichimbomuona vachati, ‘Aripiko?’
8 그는 꿈 같이 지나가니 다시 찾을 수 없을 것이요 밤에 보이던 환상처럼 쫓겨가리니
Anobhururuka sokurota, haachawanikwizve, adzingwa sechiratidzo chousiku.
9 그를 본 눈이 다시 그를 보지 못할 것이요 그의 처소도 다시 그를 보지 못할 것이며
Ziso rakamuona harichazomuonazve; nzvimbo yake haichazomuonazve.
10 그의 자녀들이 가난한 자에게 은혜를 구하겠고 그도 얻은 재물을 자기 손으로 도로 줄 것이며
Vana vake vanofanira kutsvaka nyasha kuvarombo; maoko ake chaiwo anofanira kudzorera pfuma yake.
11 그 기골이 청년 같이 강장하나 그 기세가 그와 함께 흙에 누우리라
Simba roujaya rakazadza mapfupa ake richaumburuka naye muguruva.
12 그는 비록 악을 달게 여겨 혀 밑에 감추며
“Kunyange chakaipa chichitapira mumukanwa, uye achichiviga pasi porurimi rwake,
13 아껴서 버리지 아니하고 입에 물고 있을지라도
kunyange asingagoni kuchiregedza achichichengeta mumukanwa make,
14 그 식물이 창자 속에서 변하며 뱃속에서 독사의 쓸개가 되느니라
asi chokudya chake chichashanduka chikavava mudumbu make; chichava uturu hwenyoka mukati make.
15 그가 재물을 삼켰을지라도 다시 토할 것은 하나님이 그 배에서 도로 나오게 하심이니
Achapfira pasi upfumi hwaakamedza; Mwari achaita kuti dumbu rake rizvirutse.
16 그가 독사의 독을 빨며 뱀의 혀에 죽을 것이라
Achasveta uturu hwenyoka; mazino emvumbi achamuuraya.
17 그는 강 곧 꿀과 엉긴 젖이 흐르는 강을 보지 못할 것이요
Haangafadzwi nehova, idzo nzizi dzinoyerera uchi noruomba.
18 수고하여 얻은 것을 도로 주고 삼키지 못할 것이며 매매하여 얻은 재물로 즐거워하지 못하리니
Zvaakatamburira anofanira kuzvidzosazve zvisina kudyiwa; haangafadzwi nezvaakawana pakutengesa kwake.
19 이는 그가 가난한 자를 학대하고 버림이요 자기가 세우지 않은 집을 빼앗음이니라
Nokuti akamanikidza varombo akavasiya vava vachena; akatora dzimba dzavasina chavanacho.
20 그는 마음에 족한 줄을 알지 못하니 그 기뻐하는 것을 하나도 보존치 못하겠고
“Zvirokwazvo haangamiri kubva pahavi yake; haangazviponesi nepfuma yake.
21 남긴 것이 없이 몰수히 먹으니 그런즉 그 형통함이 오래지 못할 것이라
Hapana chaakasiyirwa kuti adye; upfumi hwake hahungagari nokusingaperi.
22 풍족할 때에도 곤액이 이르리니 모든 고통하는 자의 손이 그에게 닿으리라
Pakati pezvakawanda zvake, kuremerwa nepfungwa kuchamukunda; kuzara kwenjodzi kuchauya pamusoro pake.
23 그가 배를 불리려 할 때에 하나님이 맹렬한 진노를 내리시리니 밥 먹을 때에 그의 위에 비같이 쏟으시리라
Paanenge agutsa dumbu rake, Mwari achatuma kutsamwa kwake kunopisa pamusoro pake, uye achanayisa kurova kwake pamusoro pake.
24 그가 철병기를 피할 때에는 놋활이 쏘아 꿸 것이요
Kunyange akatiza chombo chesimbi, museve unopinza wendarira unomubaya.
25 몸에서 그 살을 빼어 낸즉 번쩍번쩍하는 촉이 그 쓸개에서 나오고 큰 두려움이 그에게 임하느니라
Anoudzura kubva kumusana kwake, muromo wawo unovaima uchibva pachiropa chake. Kutya kuzhinji kuchauya pamusoro pake;
26 모든 캄캄한 것이 그의 보물을 위하여 쌓이고 사람이 피우지 않은 불이 그를 멸하며 그 장막에 남은 것을 사르리라
rima guru richavandira pfuma yake. Moto usina anopfutidzira uchamupisa uye uchaparadza zvichasara mutende rake.
27 하늘이 그의 죄악을 드러낼 것이요 땅이 일어나 그를 칠 것인즉
Matenga achaisa pachena mhaka yake; nyika ichamumukira.
28 그 가산이 패하여 하나님의 진노하시는 날에 흘러가리니
Mafashamu achakukura imba yake, mvura zhinji ichaerera pazuva rehasha dzaMwari.
29 이는 악인이 하나님께 받을 분깃이요 하나님이 그에게 정하신 산업이니라
Aya ndiwo magumo anogoverwa vakaipa naMwari, iyo nhaka yavakatemerwa naMwari.”

< 욥기 20 >