< מתיו 12 >
לאחר מכן, בשבת אחת, עברו ישוע ותלמידיו דרך שדה תבואה. מאחר שהתלמידים היו רעבים הם קטפו שיבולים ואכלו את הגרעינים. | 1 |
Nenguva iyo Jesu wakagura nemumunda wezviyo nesabata; zvino vadzidzi vake vakange vane nzara, vakatanga kutanha hura ndokudya.
פרושים אחדים ראו את הדבר ומחו לפני ישוע:”תלמידיך עוברים על התורה! הם מחללים את השבת!“ | 2 |
Asi VaFarisi vakati vachiona vakati kwaari: Tarira, vadzidzi vako vanoita zvisingatenderwi kuitwa nesabata.
אולם ישוע השיב להם:”האם מעולם לא קראתם מה עשה דוד המלך כשהוא ואנשיו היו רעבים? | 3 |
Asi wakati kwavari: Hamuna kuverenga here Dhavhidhi zvaakaita paakange ava nenzara, iye nevakange vanaye;
דוד נכנס לאוהל מועד, ויחד עם אנשיו אכל את לחם הפנים שהיה מיועד לכוהנים בלבד. גם מעשה זה היה עבירה על התורה! | 4 |
kuti wakapinda sei mumba maMwari, akadya zvingwa zvekuratidza, zvaakange asingatenderwi kuzvidya iye kunyange nevaiva naye, kunze kwevapristi chete?
והאם מעולם לא קראתם בתורה שמותר לכוהנים התורנים לעבוד בשבת בבית־המקדש? | 5 |
Kana hamuna kuverenga here pamurairo, kuti nemasabata vapristi vanosvibisa masabata mutembere asi vasina chavangapomerwa?
אני אומר לכם: יש כאן אחד שהוא גדול מן המקדש! | 6 |
Asi ndinoti kwamuri: Pano pane mukuru kutembere.
אילו הבינותם את הפסוק:’חסד חפצתי ולא זֶבַח‘, לא הייתם מרשיעים חפים מפשע! | 7 |
Asi dai maiziva kuti zvinorevei kuti: Ndinoda tsitsi kwete chibairo, mungadai musina kupa mhosva vasina mhosva.
כי בן האדם הוא אדון השבת.“ | 8 |
Nokuti Mwanakomana wemunhu ndiIshe kunyange wesabata.
ישוע המשיך בדרכו ונכנס אל בית־הכנסת המקומי. | 9 |
Zvino wakati abvapo akapinda musinagoge ravo.
באותה שעה היה בבית־הכנסת איש שידו משותקת. שאלו הפרושים את ישוע:”האם מותר לרפא בשבת?“(הם קיוו שישוע יאמר”כן“, כדי שיוכלו להרשיע ולאסור אותו). | 10 |
Zvino tarira, kwakange kune munhu akange ane ruoko rwakawonyana. Vakamubvunza vachiti: Zvakatenderwa kuporesa nemasabata here? kuti vamupe mhosva.
אולם ישוע השיב להם:”אילו הייתה לכם כבשה אחת בלבד, והיא הייתה נופלת בשבת לתוך הבאר, האם לא הייתם עובדים באותו יום וטורחים להציל אותה? | 11 |
Asi wakati kwavari: Ndeupi munhu pakati penyu achava negwai rimwe, iro kana rikawira mugomba nemasabata, angarega kuribata akasimudza?
וכמה יקר האדם מן הכבשה! כן, מותר לעשות טוב בשבת.“ | 12 |
Naizvozvo munhu anopfuura gwai zvikuru sei! Naizvozvo zvakatenderwa kuita zvakanaka nemasabata.
ישוע פנה אל האיש ואמר:”הושט את ידך.“וכאשר זה הושיט את ידו היא נרפאה כליל ונראתה כמו היד השנייה. | 13 |
Zvino akati kumunhu: Tandavadza ruoko rwako. Akarutandavadza, rwukaporeswa rwukagwinya serumwe.
כשראו הפרושים את המעשה של ישוע, כינסו אספה כדי לתכנן את מאסרו והוצאתו להורג. | 14 |
Zvino VaFarisi vakabuda, vakaita dare pamusoro pake kuti vangamuparadza sei.
אולם ישוע ידע את מזימתם, ולכן הלך משם. אנשים רבים הלכו בעקבותיו, וישוע ריפא את החולים שביניהם, | 15 |
Asi Jesu wakati aziva, akabvapo; zvaunga zvikuru zvikamutevera, akavaporesa vese.
אולם ישוע ציווה עליהם לשתוק ולא לגלות את זהותו. | 16 |
Akavarairisa kuti varege kumubudisa pachena.
כך התקיימה נבואת ישעיהו: | 17 |
Kuti zvizadziswe zvakarehwa naIsaya muporofita, achiti:
”הן עבדי, בחירי רצתה נפשי. נתתי רוחי עליו, משפט לגויים יוציא. | 18 |
Tarira muranda wangu wandakasanangura, mudikanwi wangu, mweya wangu maunofara maari kwazvo. Ndichaisa Mweya wangu pamusoro pake, uye achazivisa vahedheni kutonga.
לא יצעק ולא יישא ולא ישמיע בחוץ קולו; | 19 |
Haangarwisi kana kudanidzira, uye hakuna achanzwa inzwi rake munzira dzemumaguta.
קנה רצוץ לא ישבור ופשתה כהה לא יכבנה עד יוציא לנצח משפט, | 20 |
Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, netambo yemwenje inopfungaira haangadzimi; kusvikira achituma kutonga mukukunda.
Uye vahedheni vachavimba muzita rake.
לאחר מכן הובא אל ישוע אדם אחוז שד, שהיה עיוור ואילם. ישוע ריפא את האיש והשיב לו את ראייתו ואת כושר הדיבור. | 22 |
Zvino kwakauyiswa kwaari wakagarwa nedhimoni, bofu uye mbeveve; akamuporesa, zvekuti bofu mbeveve rakati kutaura rikati kuona.
הקהל, שהופתע מאוד, קרא:”אולי ישוע הוא המשיח בן־דוד!“ | 23 |
Zvaunga zvese zvikashamisika zvikati: Ko uyu haasi Mwanakomana waDhavhidhi here?
אולם כששמעו זאת הפרושים, אמרו:”אין פלא שהוא יכול לגרש שדים; הרי הוא מקבל את כוחו מבעל־זבוב שר השדים!“ | 24 |
Asi VaFarisi vakati vachinzwa vakati: Uyu haabudisi madhimoni, kunze naBheerizebhuri mukuru wemadhimoni.
ישוע ידע את מחשבותיהם, ולכן ענה:”ממלכה מפולגת בתוך עצמה תתפרק. בית מפולג או עיר מפולגת לא יחזיקו מעמד ויקרסו גם הם. | 25 |
Zvino Jesu wakaziva ndangariro dzavo, akati kwavari: Ushe humwe nehumwe hwakapesana huchizvipikisa hunoparadzwa, neguta rimwe nerimwe kana imba yakapesana ichizvipikisa haingamiri.
אם השטן מגרש את השטן, הרי שהוא נלחם בעצמו והורס את ממלכתו. | 26 |
Uye kana Satani achibudisa Satani, anopesana achizvipikisa; zvino ushe hwake huchamira sei?
ואם, לפי טענתכם, אני מגרש את השדים בכוחו של בעל־זבוב – אז בכוחו של מי מגרשים בניכם את השדים? לכן הם יהיו לאמות מידה. | 27 |
Uye kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhuri, vanakomana venyu vanoabudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu.
אולם אם אני מגרש את השדים בכוחו של אלוהים וברוחו, אז עובדה שמלכות האלוהים הגיעה אליכם. | 28 |
Asi kana ini ndichibudisa madhimoni neMweya waMwari, saka ushe hwaMwari hwasvika kwamuri.
איש אינו יכול לשדוד את מלכות השטן לפני שיכבול אותו תחילה. לאחר שיכבול את השטן, יוכל לשדוד את רכושו. | 29 |
Kana munhu angapinda sei mumba mechikakarara akapamba nhumbi dzacho kunze kwekuti atanga kusunga chikakarara? Ipapo achapamba imba yake.
מי שאינו אתי נגדי הוא, ומי שאינו אוסף אתי – מפזר. | 30 |
Uyo asina ini, anopikisana neni, neasingaunganidzi neni, anoparadzira.
”כל חטאיכם יכולים להיסלח, גם אם אתם מקללים אותי, רק חטא אחד לא ייסלח לכם לעולם: גידוף רוח הקודש.“ | 31 |
Naizvozvo ndinoti kwamuri: Vanhu vachakanganwirwa chivi chese nekunyomba, asi kunyomba Mweya hakungakanganwirwi vanhu.
Uye ani nani anotaura shoko rinopikisa Mwanakomana wemunhu achakanganwirwa; asi ani nani anotaura achipikisa Mweya Mutsvene haangakanganwirwi, kana panguva ino kana kune inouya. (aiōn )
”את העץ מכירים על־פי הפרי שהוא נותן. עץ משובח נותן פרי טוב, ועץ רקוב נותן פרי רקוב. | 33 |
Kana itai muti uve wakanaka nechibereko chawo chakanaka, kana itai muti uve wakaipa nechibereko chawo chakaipa, nokuti muti unozikanwa nechibereko.
ילדי נחשים שכמוכם! כיצד יכולים אנשים רשעים כמוכם לומר דבר טוב? הרי אדם מדבר מתוך הממלא את לבו! | 34 |
Vana venyoka, mungagona sei kutaura zvinhu zvakanaka makaipa? Nokuti muromo unotaura kubva pazvizere mumoyo.
אדם טוב מפיק מעשים טובים מהטוב שבלבו, בעוד שאדם רע מפיק מעשים רעים מהרוע שבלבו. | 35 |
Munhu wakanaka anobudisa zvinhu zvakanaka pafuma yakanaka yemoyo; nemunhu wakaipa anobudisa zvinhu zvakaipa pafuma yakaipa.
ואני אומר לכם: ביום־הדין יהיה עליכם לתת דין וחשבון על כל מילה בטלה שיצאה מפיכם! | 36 |
Asi ndinoti kwamuri: Shoko rimwe nerimwe risina maturo vanhu ravanoreva, vachazvidavirira pamusoro paro nezuva rekutongwa.
הדברים שאתם אומרים כאן עכשיו יקבעו את גורלכם: או שהם יזכו אתכם, או שהם יחייבו אתכם בדין.“ | 37 |
Nokuti nemashoko ako uchanzi wakarurama, uye nemashoko ako uchapiwa mhosva.
יום אחד באו אל ישוע סופרים ופרושים אחדים וביקשו שיחולל לפניהם נס (כדי להוכיח שהוא המשיח). | 38 |
Zvino vamwe vevanyori neveVaFarisi vakapindura vakati: Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo kubva kwamuri.
אולם ישוע השיב:”רק דור רע וכופר יכול לדרוש נסים נוספים! אבל האות היחיד שתקבלו יהיה אות יונה הנביא. כשם שיונה הנביא היה בבטנו של הדג שלושה ימים ושלושה לילות, כך גם בן־האדם יהיה בבטן האדמה שלושה ימים ושלושה לילות. | 39 |
Asi wakapindura akati kwavari: Zera rakaipa rinofeva rinotsvaka chiratidzo; asi hakuna chiratidzo chingapiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita.
Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu neusiku utatu, saizvozvo Mwanakomana wemunhu achava mumoyo wenyika mazuva matatu neusiku utatu.
ביום־הדין יקומו אנשי נינווה וירשיעו אתכם. כי לאחר שיונה דיבר אליהם, הם חזרו בתשובה, חדלו ממעשיהם הרעים ופנו לה׳, ואילו לפניכם עומד אדם גדול מיונה, ואתם מסרבים לשמוע לו. | 41 |
Varume veNinivhi vachasimuka mukutongwa nezera iri, vacharipa mhosva; nokuti vakatendeuka nemharidzo yaJona; zvino tarirai, mukuru kuna Jona ari pano.
גם מלכת שבא תרשיע את העם הזה ביום־הדין. שהרי היא באה מארץ רחוקה כדי להקשיב לחכמת שלמה, ואילו לפניכם עומד אדם גדול משלמה.“ | 42 |
Mambokadzi wechamhembe achasimuka mukutongwa nezera iri, agoripa mhosva; nokuti wakabva pamagumisiro enyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni; zvino tarirai, mukuru kuna Soromoni ari pano.
”דור רשע זה דומה לאדם אחוז שד. כאשר יוצא השד מן האדם, הוא הולך למדבר לזמן מה ומחפש לו מנוחה. משאינו מוצא את המנוחה שחיפש, הוא אומר לעצמו:’אשוב לאדם שמתוכו יצאתי‘. בשובו מוצא השד את לבו של אותו אדם מטואטא, מסודר ומטופח, ואז מוצא השד שבעה שדים אחרים ורעים ממנו, וכולם יחד נכנסים לתוך אותו אדם וחיים בו. וכך מצבו של אדם זה גרוע משהיה.“ | 43 |
Zvino kana mweya wetsvina wabuda kumunhu, unofamba uchigura nzvimbo dzakawoma, uchitsvaka zororo, asi uchishaiwa.
Zvino unoti: Ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda; uye uchisvika unoiwana isina chinhu, yakatsvairwa yakarongedzwa.
Ipapo unoenda ndokutora pamwe naye mimwe mweya minomwe yakaipa kumupfuura pachake, ndokupinda ikagaramo; kugumawo kwemunhu uyu kwakaipa kupfuura kutanga. Zvichava saizvozvowo kuzera iri rakaipa.
בשעה שישוע דיבר בתוך בית מלא אנשים, עמדו אמו ואחיו בחוץ וביקשו לראות אותו. | 46 |
Wakati achataura nezvaunga, tarira, mai nevanin'ina vake vakamira panze, vachitsvaka kutaura naye.
מישהו בא אל ישוע והודיע לו שאמו ואֶחָיו עומדים בחוץ ורוצים לדבר אתו. | 47 |
Umwe ndokuti kwaari: Tarirai, mai venyu nevanin'ina venyu vamire panze, vachitsvaka kutaura nemwi.
”מי היא אמי?“קרא ישוע.”מי הם אחי?“ | 48 |
Asi wakapindura akati kuna iye wakamuudza: Mai vangu ndiani? Nevanin'ina vangu ndivana ani?
הוא הצביע על תלמידיו והכריז:”אלה הם אמי ואחי! | 49 |
Zvino wakatandavadzira ruoko rwake kuvadzidzi vake, akati: Tarirai, mai vangu nevanin'ina vangu.
כל מי שמציית לאבי שבשמים הוא אמי, אחי ואחותי!“ | 50 |
Nokuti ani nani unoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga, ndiye munin'ina wangu nehanzvadzi namai.