< יחזקאל 34 >
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
בן אדם הנבא על רועי ישראל הנבא ואמרת אליהם לרעים כה אמר אדני יהוה הוי רעי ישראל אשר היו רעים אותם--הלוא הצאן ירעו הרעים | 2 |
“Mwanakomana womunhu, profita pamusoro pavafudzi vaIsraeri; profita uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Vane nhamo vafudzi vaIsraeri vanongova nehanya yokuzvifudza pachavo! Ko, vafudzi havafaniri kufudza makwai here?
את החלב תאכלו ואת הצמר תלבשו הבריאה תזבחו הצאן לא תרעו | 3 |
Munodya ruomba, munozvifukidza namakushe muchiuraya makwai akakora, asi hamuna hanya namakwai.
את הנחלות לא חזקתם ואת החולה לא רפאתם ולנשברת לא חבשתם ואת הנדחת לא השבתם ואת האבדת לא בקשתם ובחזקה רדיתם אתם ובפרך | 4 |
Hamuna kusimbisa asina simba kana kurapa anorwara kana kusunga akakuvara. Hamuna kutsvaka akarasika kana kudzosa akadzingwa. Makaabata nehasha uye noutsinye.
ותפוצינה מבלי רעה ותהיינה לאכלה לכל חית השדה ותפוצינה | 5 |
Saka akapararira nokuti kwakanga kusina mufudzi, uye paakapararira akava zvokudya zvezvikara zvesango.
ישגו צאני בכל ההרים ועל כל גבעה רמה ועל כל פני הארץ נפצו צאני ואין דורש ואין מבקש | 6 |
Makwai angu akadzungaira pamusoro pamakomo napazvikomo zvose. Akaparadzirwa panyika yose, uye hakuna akaaronda kana kuatsvaka.
לכן רעים שמעו את דבר יהוה | 7 |
“‘Naizvozvo, imi vafudzi, inzwai shoko raJehovha:
חי אני נאם אדני יהוה אם לא יען היות צאני לבז ותהיינה צאני לאכלה לכל חית השדה מאין רעה ולא דרשו רעי את צאני וירעו הרעים אותם ואת צאני לא רעו | 8 |
Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, nokuda kwokuti makwai angu ashayiwa mufudzi, nokudaro akapambwa akava zvokudya zvemhuka dzose dzesango, uye nemhaka yokuti vafudzi vangu havana kuatsvaka asi kuti vakazvifudza vamene pachinzvimbo chamakwai angu,
לכן הרעים--שמעו דבר יהוה | 9 |
naizvozvo imi vafudzi, inzwai shoko raJehovha:
כה אמר אדני יהוה הנני אל הרעים ודרשתי את צאני מידם והשבתים מרעות צאן ולא ירעו עוד הרעים אותם והצלתי צאני מפיהם ולא תהיין להם לאכלה | 10 |
Zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka navafudzi uye vachazvidavirira pamusoro pamakwai angu. Ndichavabvisa pakufudza makwai angu kuitira kuti vafudzi varege kuzozvifudza pachavo. Ndicharwira makwai angu pamiromo yavo, uye haachazovi chokudya chavo.
כי כה אמר אדני יהוה הנני אני ודרשתי את צאני ובקרתים | 11 |
“‘Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Ini pachangu ndichazvitsvakira makwai angu ndigoafudza.
כבקרת רעה עדרו ביום היותו בתוך צאנו נפרשות--כן אבקר את צאני והצלתי אתהם מכל המקומת אשר נפצו שם ביום ענן וערפל | 12 |
Somufudzi anofudza makwai ake akapararira paanenge anawo, saizvozvo neni ndichafudza makwai angu. Ndichaarwira kubva panzvimbo dzose dzaanga akapararira pazuva ramakore nerima.
והוצאתים מן העמים וקבצתים מן הארצות והביאותים אל אדמתם ורעיתים אל הרי ישראל באפיקים ובכל מושבי הארץ | 13 |
Ndichaabudisa kubva kundudzi ndigoaunganidza kubva kunyika dzose, uye ndigoauyisa munyika yawo. Ndichaafudzira pamakomo aIsraeri, muhova, nomunzvimbo dzokugara dzose dzenyika.
במרעה טוב ארעה אתם ובהרי מרום ישראל יהיה נוהם שם תרבצנה בנוה טוב ומרעה שמן תרעינה אל הרי ישראל | 14 |
Ndichaafudzira mumafuro akanaka, uye pamusoro pamakomo aIsraeri ndipo paachafura. Acharara pasi pamafuro akanaka ikoko, uye achafura pabumhudza rakanaka ikoko kumakomo eIsraeri.
אני ארעה צאני ואני ארביצם נאם אדני יהוה | 15 |
Ini pachangu ndichafudza makwai angu nokuavatisa pasi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
את האבדת אבקש ואת הנדחת אשיב ולנשברת אחבש ואת החולה אחזק ואת השמנה ואת החזקה אשמיד ארענה במשפט | 16 |
Ndichatsvaka akarasika ndigodzosa akatetereka. Ndichasunga akakuvara ndigosimbisa asina simba, asi akakora neane simba ndichaaparadza. Ndichafudza boka nokururamisira.
ואתנה צאני כה אמר אדני יהוה הנני שפט בין שה לשה לאילים ולעתודים | 17 |
“‘Asi kana murimi, boka rangu, zvanzi naIshe Jehovha: Ndichatonga pakati pegwai nerimwe gwai, uye pakati pamakondobwe nembudzi.
המעט מכם המרעה הטוב תרעו ויתר מרעיכם תרמסו ברגליכם ומשקע מים תשתו--ואת הנותרים ברגליכם תרפשון | 18 |
Ko, hazvina kuringana kwamuri here kuti mudye pamafuro akanaka? Zvakafanira here kuti mutsike netsoka dzenyu mafuro enyu akasara? Ko, hazvina kuringana here kuti munwe mvura yakachena? Ko, zvakafanira here kuti musvibise mvura yakasara namakumbo enyu?
וצאני--מרמס רגליכם תרעינה ומרפש רגליכם תשתינה | 19 |
Ko, makwai angu angafanirwa nokudya kana kunwa zvamakabvongodza netsoka dzenyu here?
לכן כה אמר אדני יהוה--אליהם הנני אני--ושפטתי בין שה בריה ובין שה רזה | 20 |
“‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha kwavari: Tarira, ini ndimene ndichatonga pakati peakakora nemakwai akaonda.
יען בצד ובכתף תהדפו ובקרניכם תנגחו כל הנחלות--עד אשר הפיצותם אותנה אל החוצה | 21 |
Nokuda kwokuti munosunda norutivi nepfudzi, muchitunga makwai asina simba nenyanga dzenyu kusvikira maadzingira kure,
והושעתי לצאני ולא תהיינה עוד לבז ושפטתי בין שה לשה | 22 |
ini ndicharwira makwai angu, uye haangazopambwizve. Ndichatonga pakati pehwai neimwe hwai.
והקמתי עליהם רעה אחד ורעה אתהן--את עבדי דויד הוא ירעה אתם והוא יהיה להן לרעה | 23 |
Ndichaisa pamusoro pawo mufudzi mumwe chete, muranda wangu Dhavhidhi uye achaafudza; iye achaafudza agova mufudzi wawo.
ואני יהוה אהיה להם לאלהים ועבדי דוד נשיא בתוכם אני יהוה דברתי | 24 |
Ini Jehovha ndichava Mwari wavo, uye muranda wangu Dhavhidhi achava muchinda pakati pawo. Ini Jehovha ndazvitaura.
וכרתי להם ברית שלום והשבתי חיה רעה מן הארץ וישבו במדבר לבטח וישנו ביערים | 25 |
“‘Ndichaita sungano yorugare navo uye ndichadzinga zvikara panyika kuti vagogara mugwenga vagovata zvakanaka musango.
ונתתי אותם וסביבות גבעתי ברכה והורדתי הגשם בעתו גשמי ברכה יהיו | 26 |
Ndichaaropafadza nenzvimbo dzakapoteredza chikomo changu. Ndichanayisa mvura nenguva yayo; pachava nemibvumbi yamaropafadzo.
ונתן עץ השדה את פריו והארץ תתן יבולה והיו על אדמתם לבטח וידעו כי אני יהוה בשברי את מטות עלם והצלתים מיד העבדים בהם | 27 |
Miti yesango ichabereka michero yayo uye ivhu richabereka zvibereko zvaro; vanhu vachagara zvakanaka panyika yavo. Vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichavhuna mazariro amajoko avo ndigovanunura kubva mumaoko aavo vanovaita nhapwa.
ולא יהיו עוד בז לגוים וחית הארץ לא תאכלם וישבו לבטח ואין מחריד | 28 |
Havachazopambwizve nendudzi, uye zvikara zvesango hazvingavadyizve. Vachagara zvakanaka, uye hakuna angavatyisa.
והקמתי להם מטע לשם ולא יהיו עוד אספי רעב בארץ ולא ישאו עוד כלמת הגוים | 29 |
Ndichavapa nyika ine mukurumbira nokuda kwezvibereko zvayo, uye havangazovi nedambudziko renzara munyika kana kuva chinhu chinosekwa nendudzi.
וידעו כי אני יהוה אלהיהם--אתם והמה עמי בית ישראל--נאם אדני יהוה | 30 |
Ipapo vachaziva kuti ini, Jehovha Mwari wavo, ndinavo uye kuti ivo, imba yaIsraeri, ndivo vanhu vangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
ואתן צאני צאן מרעיתי אדם אתם אני אלהיכם--נאם אדני יהוה | 31 |
Imi makwai angu, makwai amafuro angu, muri vanhu, uye ini ndiri Mwari wenyu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’”