< Hebrews 11 >
1 Now our trust in God is the guarantee of what we hope for, the evidence of what we can't see.
Zvino kutenda ndiko kuva nechokwadi nezvinhu zvatinotarisira, nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni.
2 People who lived long ago trusted God and this is what gained them God's approval.
Nokuti izvi ndizvo zvakaita kuti vanhu vekare vapupurirwe zvakanaka.
3 Through our trust in God we understand that the whole universe was created by God's command, that what can be seen was made out of what cannot be seen. (aiōn )
Nokutenda tinonzwisisa kuti nyika yakaitwa nokurayira kwaMwari, zvokuti zvinhu zvinoonekwa zvakaitwa kubva pane zvinhu zvisingaonekwi. (aiōn )
4 By trusting him Abel offered God a better sacrifice than Cain, and as a result God identified him as someone who lived right. God showed this by accepting his offering. Even though Abel has been dead for a long time, he still speaks to us through what he did.
Nokutenda Abheri akapa Mwari chibayiro chiri nani pane chaKaini. Nokutenda akapupurirwa kuti akanga ari munhu akarurama, Mwari paakataura zvakanaka pamusoro pezvipo zvake. Uye nokutenda achiri kutaura nazvino kunyange zvake akafa.
5 By trusting God Enoch was taken to heaven so he didn't experience death. He couldn't be found on earth because God took him to heaven. Before this happened he was known as someone God was pleased with.
Nokutenda Enoki akatorwa kubva paupenyu huno, zvokuti haana kuona rufu; akasaonekwa, nokuti Mwari akanga amutora; nokuti asati atorwa, akanga achipupurirwa somunhu aifadza Mwari.
6 You can't expect God to be pleased with you if you don't trust him! Anyone who comes to God must believe that God exists, and that he rewards those who are searching for him.
Uye pasina kutenda hazvibviri kufadza Mwari, nokuti ani naani anouya kwaari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa vanomutsvaka nomwoyo wose mubayiro wavo.
7 Noah trusted God, and was warned by him about things that had never happened before. Because Noah paid serious attention to what God said, he constructed an ark to save his family. By trusting God, Noah showed that the world was wrong, and received the reward of being set right by God.
Nokutenda Noa, akati anyeverwa pamusoro pezvinhu zvakanga zvichigere kuonekwa, akavaka areka nokutya Mwari kuti aponese mhuri yake. Nokutenda kwake akapa nyika mhosva uye akava mugari wenhaka yokururama kunouya nokutenda.
8 Through trusting God Abraham obeyed when God called him to go to the land God was going to give him. He left, not knowing where he was going.
Nokutenda Abhurahama, akati adanwa kuti aende kunzvimbo iyo yaaizogamuchira kuti ive nhaka yake, akateerera akaenda, kunyange zvazvo akanga asingazivi kwaaienda.
9 Trusting in God he lived in the promised land—but as a foreigner, living in tents, together with Isaac and Jacob who shared with him in inheriting the same promise.
Nokutenda akandogara somutorwa munyika yechipikirwa, saanogara munyika yavamwe; akagara mumatende, sezvakaita Isaka naJakobho, vakanga vari vadyi venhaka yechipikirwa pamwe chete naye.
10 For Abraham was looking forward to a city built on foundations that last, with God as its builder and maker.
Nokuti akanga achitarisira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro.
11 By her trust in God even Sarah herself was given the ability to conceive a child though she was too old, because she trusted God who had made the promise.
Nokutenda Abhurahama, kunyange zvake akanga apfuura zera, uye Sara pachake akanga asingabereki, akapiwa simba rokuva baba, nokuti akati iye akamupikira akatendeka.
12 That is why the descendants of Abraham, (who was as good as dead!), became as numerous as the stars of heaven, as countless as the sand of the sea-shore.
Uye nokudaro kubva pamunhu mumwe, akanga oita seafa, kwakava nezvizvarwa zvakawanda senyeredzi dzokudenga, zvisingaverengeki sejecha pamahombekombe egungwa.
13 They all died still trusting in God. Though they didn't receive the things God promised, they were still looking for them as it were from a distance and welcomed them, acknowledging that on this earth they were foreigners, people just passing through.
Vanhu ava vose vakanga vachirarama nokutenda kusvikira panguva yokufa. Havana kuwana zvinhu zvavakavimbiswa; vakangozviona chete vakazvigamuchira zviri kure. Uye vakabvuma kuti ivo vakanga vari vaeni navatorwa panyika.
14 People who say such things make it clear that they're looking for a country of their own.
Vanhu vanotaura zvinhu zvakadai vanoratidza kuti vari kutsvaka nyika yavo chaiyo.
15 For if they cared about the country they'd left behind, they could have returned.
Dai vakanga vachifunga nyika yavakabva kwairi vangadai vakawana mukana wokudzokera.
16 But they're looking for a better country instead, a heavenly country. That is why God isn't disappointed with them, and is happy to be called their God, for he has built a city for them.
Asi vakanga vachishuva nyika yakanaka, iyo yokudenga. Naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo kuti anzi Mwari wavo, nokuti akavagadzirira guta.
17 Abraham trusted God when he was tested and offered Isaac to God. Abraham, who had accepted God's promises, was still ready to offer to God his only son,
Nokutenda Abhurahama, paakaedzwa naMwari, akapa Isaka sechibayiro. Iye akanga agamuchira zvipikirwa akanga obayira mwanakomana wake mumwe oga,
18 even though he'd been told, “It's through Isaac that your descendants will be counted.”
kunyange zvazvo Mwari akanga akati kwaari, “Nokuna Isaka zvizvarwa zvako zvichazovapo.”
19 Abraham had thought it through and decided that God could bring Isaac back to life from the dead. In a sense that's what did happen—Abraham received Isaac back from the dead.
Abhurahama akafunga akati Mwari aigona kumutsa vakafa, uye tichitaura nomufananidzo, akagamuchira Isaka kubva kuvakafa.
20 Trusting in God, Isaac blessed Jacob and Esau in regard to what the future would bring.
Nokutenda Isaka akaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvaizoitika.
21 Trusting in God, Jacob as he was dying blessed each of Joseph's sons, and worshiped God, leaning on his staff.
Nokutenda Jakobho, paakanga ava kufa akaropafadza mwanakomana mumwe nomumwe waJosefa, uye akanamata akazendamira pamusoro pomudonzvo wake.
22 Trusting in God, Joseph too, when his own death approached, spoke about the exodus of the Israelites, and gave instructions about what to do with his bones.
Nokutenda, Josefa, magumo ake ava pedyo, akataura zvokubuda kwavaIsraeri kubva muIjipiti uye akarayira pamusoro pamapfupa ake.
23 Trusting in God, Moses' parents hid him for three months after he was born. They recognized he was a special child. They weren't afraid to go against what the king had commanded.
Nokutenda Mozisi paakaberekwa, vabereki vake vakamuviga kwemwedzi mitatu, nokuti vakaona kuti akanga ari mwana akanaka uye havana kutya murayiro wamambo.
24 Trusting in God, Moses, when he grew up, refused to be known as the adopted son of Pharaoh's daughter.
Nokutenda Mozisi akati akura, akaramba kunzi mwanakomana womwanasikana waFaro.
25 Instead he chose to share in the sufferings of God's people rather than to enjoy the temporary pleasures of sin.
Akasarudza kutambudzwa pamwe chete navanhu vaMwari pano kufadzwa kwenguva duku namafaro ezvivi.
26 He counted the rejection he experienced from following Christ to be of far greater value than the wealth of Egypt—because he was focused on the reward to come.
Akati kuzvidzwa nokuda kwaKristu ipfuma huru kupfuura kupfuma kwose kweIjipiti, nokuti akanga achitarira mberi kumubayiro.
27 Trusting in God, he left Egypt and wasn't scared of Pharaoh's anger—he kept going with his eyes fixed on the invisible God.
Nokutenda akabva muIjipiti asingatyi kutsamwa kwamambo; akatsungirira nokuti akanga aona iye asingaonekwi.
28 Trusting in God he observed the Passover and the sprinkling of blood, so that the destroying angel would not touch the Israelites.
Nokutenda akavamba Pasika nokusasa ropa, kuitira kuti muurayi wamatangwe arege kuuraya matangwe eIsraeri.
29 Trusting in God the Israelites crossed the Red Sea as if it were dry land. When the Egyptians attempted to do the same they were drowned.
Nokutenda vanhu vakayambuka Gungwa Dzvuku, sapanyika yakaoma; asi vaIjipita pavakaedza kuzviita vakanyura.
30 Trusting in God, the Israelites marched around the walls of Jericho for seven days, and the walls fell down.
Nokutenda masvingo eJeriko akawira pasi, mushure mokunge vanhu vafamba vachiapoteredza kwamazuva manomwe.
31 Trusting in God, Rahab the prostitute didn't die with those who rejected God, because she had welcomed the Israelite spies in peace.
Nokutenda Rahabhi chifeve, haana kufa pamwe chete navasina kuteerera, nokuti akanga agamuchira vasori norugare.
32 What other examples should I give? I don't have time to talk about Gideon, Barak, Samson, Jephthah; about David, Samuel, and the prophets.
Uye ndichataureiko zvimwe? Handichina nguva yokutaura pamusoro paGidheoni, Bharaki, Samusoni, Jefuta, Dhavhidhi, Samueri, navaprofita,
33 Because of their trust in God they conquered kingdoms, did what was good and right, received God's promises, shut the mouths of lions,
vakakunda ushe nokutenda, vakatonga nokururamisira, uye vakawana zvakanga zvavimbiswa; vakadzivira miromo yeshumba,
34 put out blazing fires, escaped being killed by the sword, were weak but made strong, did mighty deeds in war, and routed enemy armies.
vakadzima simba romoto, uye vakapunyuka kubva pamunondo unopinza, utera hwavo hwakashandurwa hukava simba uye vakava nesimba guru pakurwa vakakunda hondo dzamamwe marudzi.
35 Women were given their dead family members back through resurrection. Others were tortured, refusing to compromise and be pardoned, because they wanted to be part of a better resurrection.
Vakadzi vakagamuchirazve vakanga vafa vavo vamutswa kuti vave vapenyu zvakare. Vamwe vakatambudzwa vakaramba kusunungurwa, kuitira kuti vagozopiwa kumuka kuri nani pakunaka.
36 Yet others suffered insults and whippings; they were put in chains and imprisoned.
Vamwe vakasekwa uye vakarohwa, uyezve vamwe vakasungwa vakaiswa mutorongo.
37 Some were stoned, cut in pieces, tempted, killed by the sword. Some dressed in sheepskins and goatskins: destitute, oppressed, and mistreated.
Vakatakwa namabwe; vamwe vakaitwa zvidimbu zviviri; vakaurayiwa nomunondo. Vakafamba vakapfeka matehwe amakwai namatehwe embudzi, vasina chinhu, vakatambudzwa uye vakaitirwa zvakaipa,
38 The world was not worthy to have such people who wandered in the deserts and mountains, living in caves and holes in the ground.
nyika yakanga isina kufanirwa navo. Vaidzungaira murenje nomumakomo, mumapako nomumakomba enyika.
39 All of these people, even though they had God's approval, didn't receive what God had promised.
Vose ava vakapupurirwa kutenda kwavo, asi hapana kana mumwe wavo akagamuchira zvakanga zvavimbiswa.
40 God has given us something even better, so that they can't be complete without us.
Mwari akanga atigadzirira chimwe chinhu chiri nani pakunaka, kuitira kuti ivo pamwe chete nesu tigoitwa vakakwana.