< Ezra 5 >

1 Later, the prophets Haggai and Zechariah son of Iddo prophesied to the Jews in Judah and Jerusalem in the name of the God of Israel, who was over them.
Zvino muprofita Hagai naZekaria muprofita, chizvarwa chaIdho, vakaprofita kuvaJudha vakanga vari muJudha muJerusarema, vakaprofita muzita raMwari akanga ari pamusoro pavo, Mwari waIsraeri.
2 Then Zerubbabel son of Shealtiel and Jeshua son of Jozadak rose up and began to rebuild the house of God in Jerusalem. And the prophets of God were with them, helping them.
Ipapo Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri naJeshua mwanakomana waJozadhaki, vakasimuka kuti vaite basa rokuvakazve imba yaMwari muJerusarema. Uye vaprofita vaMwari vakanga vanavo, vachivabatsira.
3 At that time Tattenai the governor of the region west of the Euphrates, Shethar-bozenai, and their associates went to the Jews and asked, “Who authorized you to rebuild this temple and restore this structure?”
Panguva iyoyo Tatenai, mubati wenyika yaiva mhiri kwaYufuratesi, naShetari-Bhozenai neshamwari dzavo vakaenda kwaari uye vakandomubvunza, vachiti, “Ndiani akakupai mvumo yokuvakazve temberi iyi uye nokumisazve masvingo aya?”
4 They also asked, “What are the names of the men who are constructing this building?”
Vakabvunzazve vakati, “Mazita avarume vari kuvaka imba iyi ndivanaani?”
5 But the eye of their God was on the elders of the Jews, so that they were not stopped until a report was sent to Darius and written instructions about this matter were returned.
Asi ziso raMwari wavo rakanga rakatarira pamusoro pavakuru vavaJudha, uye havana kuvaregesa basa kusvikira nyaya iyi yaziviswa kuna Dhariasi uye mhinduro yake yakanyorwa yagamuchirwa.
6 This is the text of the letter that Tattenai the governor of the region west of the Euphrates, Shethar-bozenai, and their associates, the officials in the region, sent to King Darius.
Aya ndiwo mashoko etsamba yakanyorerwa mambo Dhariasi naTatenai, mubati mhiri kwaYufuratesi, naShetari-Bhozenai, neshamwari dzavo, namakurukota vakanga vari mhiri kwaYufuratesi.
7 The report they sent him read as follows: To King Darius: All peace.
Tsamba yavakatumira kwaari yakanga ina mashoko anoti: Kuna Mambo Dhariasi: Tinokukwazisai.
8 Let it be known to the king that we went into the province of Judah, to the house of the great God. The people are rebuilding it with large stones, and placing timbers in the walls. This work is being carried out diligently and is prospering in their hands.
Mambo ngaazive kuti takaenda kudunhu reJudha, kutemberi yaMwari mukuru. Vanhu vari kuivaka namabwe makuru uye vachiisa matanda mumasvingo. Basa riri kuitwa nokushingaira uye riri kupfuurira mberi nokukurumidza mumaoko avo.
9 So we questioned the elders and asked, “Who authorized you to rebuild this temple and restore this structure?”
Takabvunza vakuru vavo tikati kwavari, “Ndiani akakupai mvumo yokuti muvakezve temberi iyi uye mumisezve masvingo aya?”
10 We also asked for their names, so that we could write down the names of their leaders for your information.
Takavabvunzawo kuti mazita avo vainzi vanaani, tichiitira kuti tingonyora mazita avatungamiri vavo kuti tigokuzivisai.
11 And this is the answer they returned: “We are servants of the God of heaven and earth, and we are rebuilding the temple that was built many years ago, which a great king of Israel built and completed.
Iyi ndiyo mhinduro yavakatipa: “Tiri varanda vaMwari wokudenga napasi, uye tiri kuvakazve temberi yakambovakwa makore mazhinji akapfuura, iyo yakavakwa namambo mukuru weIsraeri uye akaipedza.
12 But since our fathers angered the God of heaven, He delivered them into the hand of Nebuchadnezzar king of Babylon, the Chaldean who destroyed this temple and carried away the people to Babylon.
Asi nokuda kwokuti madzibaba edu akatsamwisa Mwari wokudenga, akavaisa mumaoko aNebhukadhinezari muKaradhea, mambo weBhabhironi, uyo akaparadza temberi ino akatora vanhu akavaendesa kuBhabhironi.
13 In his first year, however, Cyrus king of Babylon issued a decree to rebuild this house of God.
“Kunyange zvakadaro, mugore rokutanga raSirasi mambo weBhabhironi, Mambo Sirasi akatema chirevo chokuti imba yaMwari iyi ivakwezve.
14 He also removed from the temple of Babylon the gold and silver articles belonging to the house of God, which Nebuchadnezzar had taken and carried there from the temple in Jerusalem. King Cyrus gave these articles to a man named Sheshbazzar, whom he appointed governor
Akabvisawo midziyo yegoridhe nesirivha yeimba yaMwari yakanga iri mutemberi yeBhabhironi, yakanga yatorwa naNebhukadhinezari kubva kutemberi muJerusarema akaiuyisa kutemberi yomuBhabhironi. “Ipapo mambo Sirasi akaipa kumurume ainzi Sheshibhazari, waakanga agadza kuti ave mubati,
15 and instructed, ‘Take these articles, put them in the temple in Jerusalem, and let the house of God be rebuilt on its original site.’
uye akamuudza kuti, ‘Tora midziyo iyi uende nayo undoiisa mutemberi muJerusarema, uye ugovakazve imba yaMwari panzvimbo yayo.’
16 So this Sheshbazzar came and laid the foundation of the house of God in Jerusalem, and from that time until now it has been under construction, but it has not yet been completed.”
Naizvozvo Sheshibhazari uyu akauya akateya nheyo dzeimba yaMwari muJerusarema. Kubva pazuva iroro kusvikira nhasi yanga ichingovakwa, asi haisati yapera.”
17 Now, therefore, if it pleases the king, let a search be made of the royal archives in Babylon to see if King Cyrus did indeed issue a decree to rebuild the house of God in Jerusalem. Then let the king send us his decision in this matter.
“Zvino kana zvichifadza mambo, ngavatsvakisise mumabhuku amadzimambo eBhabhironi kuti vaone kana Mambo Sirasi zvirokwazvo vakamboisa chirevo chokuti imba yaMwari iyi ivakwezve muJerusarema. Naizvozvo mambo ngaatizivise kuda kwake pamusoro penyaya iyi.”

< Ezra 5 >