< 诗篇 8 >

1 大卫的诗,交与伶长。用迦特乐器。 耶和华—我们的主啊, 你的名在全地何其美! 你将你的荣耀彰显于天。
Kumutungamiri wokuimba negititi. Pisarema raDhavhidhi. Haiwa Jehovha, Ishe wedu, zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose! Makaisa kubwinya kwenyu kudenga kumusoro.
2 你因敌人的缘故, 从婴孩和吃奶的口中, 建立了能力, 使仇敌和报仇的闭口无言。
Pamiromo yavana navacheche makaisa rumbidzo nokuda kwavavengi venyu, kuti munyaradze muvengi nomutsivi.
3 我观看你指头所造的天, 并你所陈设的月亮星宿,
Kana ndichifunga nezvamatenga enyu, iro basa reminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi, zvamakarongedza panzvimbo yazvo,
4 便说:人算什么,你竟顾念他! 世人算什么,你竟眷顾他!
munhu chiiko zvamunomufunga, kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye?
5 你叫他比天使微小一点, 并赐他荣耀尊贵为冠冕。
Makamuita muduku zvishoma pana Mwari, uye mukamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa.
6 你派他管理你手所造的, 使万物,就是一切的牛羊、 田野的兽、空中的鸟、海里的鱼, 凡经行海道的,都服在他的脚下。
Makamuita mutongi pamusoro pebasa ramaoko enyu; mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake:
7
makwai ose nemombe, nemhuka dzesango,
8
neshiri dzedenga, nehove dzegungwa, zvose zvinofamba munzira dzomugungwa.
9 耶和华—我们的主啊, 你的名在全地何其美!
Haiwa Jehovha, Ishe wedu, zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!

< 诗篇 8 >