< 诗篇 33 >
1 义人哪,你们应当靠耶和华欢乐; 正直人的赞美是合宜的。
Imbirai Jehovha, mufarisise, imi vakarurama; zvakanaka kuti vakarurama vamurumbidze.
Rumbidzai Jehovha nembira; muimbirei nziyo nomutengeranwa une hungiso gumi.
Muimbirei rwiyo rutsva; muridze zvakanaka, mugopururudza nomufaro.
Nokuti shoko raJehovha rakarurama uye nderechokwadi; iye akatendeka pane zvose zvaanoita.
Jehovha anoda kururama nokururamisira; nyika izere norudo rwake rusingaperi.
6 诸天借耶和华的命而造; 万象借他口中的气而成。
Kudenga denga kwakaitwa neshoko raJehovha, hondo dzenyeredzi dzaikoko, nokufema kwomuromo wake.
Anounganidza mvura zhinji yegungwa muzvirongo; anoisa kwakadzika mumatura.
Nyika yose ngaitye Jehovha; marudzi ose enyika ngaamuremekedze.
Nokuti iye akataura, zvikaitika; akarayira, zvikamira zvakasimba.
10 耶和华使列国的筹算归于无有, 使众民的思念无有功效。
Jehovha anokonesa urongwa hwendudzi; anopinganidza mifungo yendudzi.
11 耶和华的筹算永远立定; 他心中的思念万代常存。
Asi urongwa hwaJehovha hunomira hwakasimba nokusingaperi, nendangariro dzomwoyo wake kusvikira kuzvizvarwa zvose.
12 以耶和华为 神的,那国是有福的! 他所拣选为自己产业的,那民是有福的!
Rwakaropafadzwa rudzi rwakaita Jehovha Mwari warwo, vanhu vaakasarudza kuti vave nhaka yake.
Jehovha anotarira pasi ari kudenga uye anoona marudzi ose avanhu;
ari pachigaro chake anotarira vose vagere panyika,
15 他是那造成他们众人心的, 留意他们一切作为的。
iye anoumba mwoyo yavanhu vose, anofungisisa zvose zvavanoita.
Hapana mambo anoponeswa nokukura kwehondo yake; hapana murwi anopunyuka nokuda kwesimba rake guru.
Bhiza itariro isina maturo pakurwirwa; harigoni kuponesa kunyange rine simba guru.
18 耶和华的眼目看顾敬畏他的人 和仰望他慈爱的人,
Asi meso aJehovha ari pamusoro paavo vanomutya, napamusoro paavo vakaisa tariro yavo murudo rwake rusingaperi,
19 要救他们的命脱离死亡, 并使他们在饥荒中存活。
kuti avarwire parufu nokuvararamisa panzara.
20 我们的心向来等候耶和华; 他是我们的帮助,我们的盾牌。
Tinomirira Jehovha netariro; ndiye mubatsiri wedu nenhoo yedu.
21 我们的心必靠他欢喜, 因为我们向来倚靠他的圣名。
Mwoyo yedu inofara maari, nokuti tinovimba nezita rake dzvene.
22 耶和华啊,求你照着我们所仰望你的, 向我们施行慈爱!
Rudo rwenyu rusingaperi ngarugare pamusoro pedu, imi Jehovha, kunyange sezvatakaisa tariro yedu mamuri.