< 诗篇 30 >

1 大卫在献殿的时候,作这诗歌。 耶和华啊,我要尊崇你, 因为你曾提拔我,不叫仇敌向我夸耀。
Pisarema. Rwiyo rwokukumikidza temberi. Pisarema raDhavhidhi. Ndichakukudzai imi Jehovha, nokuti makandisimudza kubva pakadzika, uye hamuna kutendera vavengi vangu kuti vafare pamusoro pangu.
2 耶和华—我的 神啊, 我曾呼求你,你医治了我。
Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndakachemera rubatsiro kwamuri uye mukandiporesa.
3 耶和华啊,你曾把我的灵魂从阴间救上来, 使我存活,不至于下坑。 (Sheol h7585)
Haiwa Jehovha, makandibudisa muguva; mukandirwira kuti ndirege kupinda mugomba. (Sheol h7585)
4 耶和华的圣民哪,你们要歌颂他, 称赞他可记念的圣名。
Imbirai Jehovha, imi vatsvene vake; rumbidzai zita rake dzvene.
5 因为,他的怒气不过是转眼之间; 他的恩典乃是一生之久。 一宿虽然有哭泣, 早晨便必欢呼。
Nokuti kutsamwa kwake ndokwenguva duku, asi nyasha dzake ndedzoupenyu hwose; kuchema kungangovapo usiku. Asi mufaro unouya mangwanani.
6 至于我,我凡事平顺,便说: 我永不动摇。
Pandakanzwa kugadzikana, ndakati, “Handingatongozungunuswi.”
7 耶和华啊,你曾施恩,叫我的江山稳固; 你掩了面,我就惊惶。
Haiwa Jehovha, pamakandinzwira tsitsi, makaita kuti gomo rangu rimire rakasimba; asi pamakavanza chiso chenyu, ini ndakavhunduka.
8 耶和华啊,我曾求告你; 我向耶和华恳求,说:
Ndakadana kwamuri, imi Jehovha; ndakachemera nyasha kuna Jehovha ndichiti,
9 我被害流血,下到坑中,有什么益处呢? 尘土岂能称赞你,传说你的诚实吗?
“Chiiko chinowanikwa pakuparadzwa kwangu, napakupinda kwangu mugomba? Ko, guruva richakurumbidzai here? Richaparidza kutendeka kwenyu here?
10 耶和华啊,求你应允我,怜恤我! 耶和华啊,求你帮助我!
Inzwai, imi Jehovha, mundinzwire ngoni; imi Jehovha, ivai mubatsiri wangu.”
11 你已将我的哀哭变为跳舞, 将我的麻衣脱去,给我披上喜乐,
Imi makashandura kuungudza kwangu kukava kutamba; makabvisa nguo dzangu dzamasaga mukandishongedza nomufaro,
12 好叫我的灵歌颂你,并不住声。 耶和华—我的 神啊,我要称谢你,直到永远!
kuti mwoyo wangu ukuimbirei ugorega kunyarara. Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndichakuvongai nokusingaperi.

< 诗篇 30 >