< 箴言 4 >

1 众子啊,要听父亲的教训, 留心得知聪明。
Teererai, vanakomana vangu, kurayira kwababa venyu; nyatsoteererai mugowana kunzwisisa.
2 因我所给你们的是好教训; 不可离弃我的法则。
Ndinokupai dzidziso yakanaka, saka regai kurasa dzidziso yangu.
3 我在父亲面前为孝子, 在母亲眼中为独一的娇儿。
Pandakanga ndiri mukomana mumba mababa vangu, ndichiri muduku uye mwana mumwe chete wamai vangu,
4 父亲教训我说:你心要存记我的言语, 遵守我的命令,便得存活。
baba vangu vakandidzidzisa vachiti, “Mwoyo wako ngaubatisise mashoko angu; chengeta mirayiro yangu ugorarama.
5 要得智慧,要得聪明,不可忘记, 也不可偏离我口中的言语。
Wana uchenjeri, wana kunzwisisa; usakanganwa mashoko angu kana kubva paari.
6 不可离弃智慧,智慧就护卫你; 要爱她,她就保守你。
Usarasa uchenjeri, ipapo huchakuchengeta; hude, ihwo hugokurinda.
7 智慧为首; 所以,要得智慧。 在你一切所得之内必得聪明 。
Uchenjeri chinhu chikuru; naizvozvo wana uchenjeri. Kunyange huchikutorera zvose zvaunazvo, wana kunzwisisa.
8 高举智慧,她就使你高升; 怀抱智慧,她就使你尊荣。
Uhukudze; ipapo huchakusimudzira; uhumbundikire, ipapo huchakukudza.
9 她必将华冠加在你头上, 把荣冕交给你。
Huchakupfekedza chishongo chenyasha mumusoro mako, uye huchakupa korona yokubwinya.”
10 我儿,你要听受我的言语, 就必延年益寿。
Teerera, mwanakomana wangu, gamuchira zvandinotaura, ipapo makore oupenyu hwako achava mazhinji.
11 我已指教你走智慧的道, 引导你行正直的路。
Ndinokudzidzisa nzira youchenjeri uye ndiri kukutungamirira panzira dzakarurama.
12 你行走,脚步必不致狭窄; 你奔跑,也不致跌倒。
Paunofamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi, paunomhanya, haungagumburwi.
13 要持定训诲,不可放松; 必当谨守,因为它是你的生命。
Batisisa kurayirwa, usarega kuchienda; nyatsokurinda zvakanaka, nokuti ndihwo upenyu hwako.
14 不可行恶人的路; 不要走坏人的道。
Usaisa rutsoka panzira dzavakaipa, kana kufamba panzira dzavanhu vakaipa.
15 要躲避,不可经过; 要转身而去。
Udzinzvenge, usafamba padziri; tsauka padziri ugopfuurira mberi.
16 这等人若不行恶,不得睡觉; 不使人跌倒,睡卧不安;
Nokuti havangavati vasati vaita zvakaipa; havangabatwi nehope kusvikira vaita kuti mumwe munhu aputsike.
17 因为他们以奸恶吃饼, 以强暴喝酒。
Vanodya zvokudya zvezvakaipa, uye vanonwa waini yezvechisimba.
18 但义人的路好像黎明的光, 越照越明,直到日午。
Nzira yavakarurama yakafanana nechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pachiedza chamasikati makuru.
19 恶人的道好像幽暗, 自己不知因什么跌倒。
Asi nzira yavakaipa yakaita serima guru; havazivi zvinoita kuti vagumburwe.
20 我儿,要留心听我的言词, 侧耳听我的话语,
Mwanakomana wangu, nyatsoteerera zvandinotaura; teereresa kumashoko angu.
21 都不可离你的眼目, 要存记在你心中。
Usaite kuti abve pameso ako, achengete pakati pomwoyo wako;
22 因为得着它的,就得了生命, 又得了医全体的良药。
nokuti upenyu kuna avo vanoawana uye noutano kumuviri wose womunhu.
23 你要保守你心,胜过保守一切, 因为一生的果效是由心发出。
Pamusoro pazvo zvose, chengetedza mwoyo wako, nokuti ndicho chitubu choupenyu.
24 你要除掉邪僻的口, 弃绝乖谬的嘴。
Bvisa zvinotsausa pamuromo wako; kutaura kwakaora ngakuve kure nemiromo yako.
25 你的眼目要向前正看; 你的眼睛当向前直观。
Meso ako ngaatarire mberi bedzi, ramba wakatarira mberi kwako.
26 要修平你脚下的路, 坚定你一切的道。
Gadzirira tsoka dzako gwara ugofamba munzira dzakasimba chete.
27 不可偏向左右; 要使你的脚离开邪恶。
Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe; chengetedza rutsoka rwako kuti rusaende pane zvakaipa.

< 箴言 4 >