< 箴言 4 >
Teererai, vanakomana vangu, kurayira kwababa venyu; nyatsoteererai mugowana kunzwisisa.
Ndinokupai dzidziso yakanaka, saka regai kurasa dzidziso yangu.
3 我在父亲面前为孝子, 在母亲眼中为独一的娇儿。
Pandakanga ndiri mukomana mumba mababa vangu, ndichiri muduku uye mwana mumwe chete wamai vangu,
4 父亲教训我说:你心要存记我的言语, 遵守我的命令,便得存活。
baba vangu vakandidzidzisa vachiti, “Mwoyo wako ngaubatisise mashoko angu; chengeta mirayiro yangu ugorarama.
5 要得智慧,要得聪明,不可忘记, 也不可偏离我口中的言语。
Wana uchenjeri, wana kunzwisisa; usakanganwa mashoko angu kana kubva paari.
6 不可离弃智慧,智慧就护卫你; 要爱她,她就保守你。
Usarasa uchenjeri, ipapo huchakuchengeta; hude, ihwo hugokurinda.
7 智慧为首; 所以,要得智慧。 在你一切所得之内必得聪明 。
Uchenjeri chinhu chikuru; naizvozvo wana uchenjeri. Kunyange huchikutorera zvose zvaunazvo, wana kunzwisisa.
8 高举智慧,她就使你高升; 怀抱智慧,她就使你尊荣。
Uhukudze; ipapo huchakusimudzira; uhumbundikire, ipapo huchakukudza.
Huchakupfekedza chishongo chenyasha mumusoro mako, uye huchakupa korona yokubwinya.”
Teerera, mwanakomana wangu, gamuchira zvandinotaura, ipapo makore oupenyu hwako achava mazhinji.
Ndinokudzidzisa nzira youchenjeri uye ndiri kukutungamirira panzira dzakarurama.
12 你行走,脚步必不致狭窄; 你奔跑,也不致跌倒。
Paunofamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi, paunomhanya, haungagumburwi.
13 要持定训诲,不可放松; 必当谨守,因为它是你的生命。
Batisisa kurayirwa, usarega kuchienda; nyatsokurinda zvakanaka, nokuti ndihwo upenyu hwako.
Usaisa rutsoka panzira dzavakaipa, kana kufamba panzira dzavanhu vakaipa.
Udzinzvenge, usafamba padziri; tsauka padziri ugopfuurira mberi.
16 这等人若不行恶,不得睡觉; 不使人跌倒,睡卧不安;
Nokuti havangavati vasati vaita zvakaipa; havangabatwi nehope kusvikira vaita kuti mumwe munhu aputsike.
Vanodya zvokudya zvezvakaipa, uye vanonwa waini yezvechisimba.
18 但义人的路好像黎明的光, 越照越明,直到日午。
Nzira yavakarurama yakafanana nechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pachiedza chamasikati makuru.
Asi nzira yavakaipa yakaita serima guru; havazivi zvinoita kuti vagumburwe.
Mwanakomana wangu, nyatsoteerera zvandinotaura; teereresa kumashoko angu.
Usaite kuti abve pameso ako, achengete pakati pomwoyo wako;
22 因为得着它的,就得了生命, 又得了医全体的良药。
nokuti upenyu kuna avo vanoawana uye noutano kumuviri wose womunhu.
23 你要保守你心,胜过保守一切, 因为一生的果效是由心发出。
Pamusoro pazvo zvose, chengetedza mwoyo wako, nokuti ndicho chitubu choupenyu.
Bvisa zvinotsausa pamuromo wako; kutaura kwakaora ngakuve kure nemiromo yako.
Meso ako ngaatarire mberi bedzi, ramba wakatarira mberi kwako.
Gadzirira tsoka dzako gwara ugofamba munzira dzakasimba chete.
Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe; chengetedza rutsoka rwako kuti rusaende pane zvakaipa.