< 民数记 31 >

1 耶和华吩咐摩西说:
Jehovha akati kuna Mozisi,
2 “你要在米甸人身上报以色列人的仇,后来要归到你列祖那里。”
“Tsiva kuvaMidhiani zvavakaitira vaIsraeri. Shure kwaizvozvo uchandosanganiswa navanhu vako.”
3 摩西吩咐百姓说:“要从你们中间叫人带兵器出去攻击米甸,好在米甸人身上为耶和华报仇。
Saka Mozisi akati kuvanhu, “Shongedzai vamwe varume vokwenyu nhumbi dzokurwa kuti vaende kundorwa navaMidhiani kuti vazadzise kutsiva kwaJehovha pamusoro pavo.
4 从以色列众支派中,每支派要打发一千人去打仗。”
Endesai kuhondo varume chiuru kubva kurudzi rumwe norumwe rwavaIsraeri.”
5 于是从以色列千万人中,每支派交出一千人,共一万二千人,带着兵器预备打仗。
Saka varume zviuru gumi nezviviri vakashongedzerwa kundorwa, chiuru chimwe kubva kurudzi rumwe norumwe, vakauyiswa vachibva kumhuri dzavaIsraeri.
6 摩西就打发每支派的一千人去打仗,并打发祭司以利亚撒的儿子非尼哈同去;非尼哈手里拿着圣所的器皿和吹大声的号筒。
Mozisi akavatuma kundorwa, chiuru kubva kurudzi rumwe norumwe, pamwe chete naFinehasi mwanakomana waEreazari muprista, uyo akatorawo nhumbi dzomunzvimbo tsvene nehwamanda dzokuridza pakutungamirira.
7 他们就照耶和华所吩咐摩西的,与米甸人打仗,杀了所有的男丁。
Vakarwisa vaMidhiani, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha, vakauraya varume vose.
8 在所杀的人中,杀了米甸的五王,就是以未、利金、苏珥、户珥、利巴,又用刀杀了比珥的儿子巴兰。
Vakaurayiwa pakati pavo ndiEvhi, Rekemu, Zuri, Huri naRebha, madzimambo mashanu avaMidhiani. Vakaurayawo nomunondo Bharamu mwanakomana waBheori.
9 以色列人掳了米甸人的妇女孩子,并将他们的牲畜、羊群,和所有的财物都夺了来,当作掳物,
VaIsraeri vakatapa vakadzi vavaMidhiani navana vavo uye vakatora mombe dzose dzavaMidhiani, makwai nepfuma sezvinhu zvavakapamba.
10 又用火焚烧他们所住的城邑和所有的营寨,
Vakapisa maguta ose avaMidhiani, pamwe chete nemisasa yavo yose.
11 把一切所夺的、所掳的,连人带牲畜都带了去,
Vakatora zvose zvavakapamba, nepfuma, pamwe chete navanhu uye nezvipfuwo,
12 将所掳的人,所夺的牲畜、财物,都带到摩押平原,在约旦河边与耶利哥相对的营盘,交给摩西和祭司以利亚撒,并以色列的会众。
vakauya nenhapwa, nepfuma uye nezvavakapamba kuna Mozisi naEreazari muprista, uye vaIsraeri vakaungana pamisasa yavo pamapani eMoabhu, paJorodhani uchibva mhiri kuJeriko.
13 摩西和祭司以利亚撒,并会众一切的首领,都出到营外迎接他们。
Mozisi, Ereazari navatungamiri vose veungano vakabuda kuti vandosangana navo kunze kwomusasa.
14 摩西向打仗回来的军长,就是千夫长、百夫长,发怒,
Mozisi akatsamwira machinda ehondo, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana, vakadzoka kuhondo.
15 对他们说:“你们要存留这一切妇女的活命吗?
Akavabvunza akati, “Ko, makatendera vakadzi vose kuti vararame here?
16 这些妇女因巴兰的计谋,叫以色列人在毗珥的事上得罪耶和华,以致耶和华的会众遭遇瘟疫。
Ndivo vakanga vachitevera zano raBharamu uye ndivo vakatsausa vaIsraeri kubva kuna Jehovha pane zvakaitika paPeori, naizvozvo denda rikauya pamusoro pavanhu vaJehovha.
17 所以,你们要把一切的男孩和所有已嫁的女子都杀了。
Zvino chiurayai vakomana vose. Uye muuraye mukadzi mumwe nomumwe akavata nomurume,
18 但女孩子中,凡没有出嫁的,你们都可以存留她的活命。
asi muzvisiyire musikana mumwe nomumwe asina kuvata nomurume.
19 你们要在营外驻扎七日;凡杀了人的,和一切摸了被杀的,并你们所掳来的人口,第三日,第七日,都要洁净自己,
“Imi mose makauraya ani zvake kana kubata ani zvake akaurayiwa, munofanira kugara kunze kwomusasa kwamazuva manomwe. Pazuva rechitanhatu nezuva rechinomwe, munofanira kuzvinatsa imi nenhapwa dzenyu.
20 也要因一切的衣服、皮物、山羊毛织的物,和各样的木器,洁净自己。”
Munatse nguo imwe neimwe pamwe chete nezvose zvakaitwa namatehwe, mvere dzembudzi kana makushe ehwai.”
21 祭司以利亚撒对打仗回来的兵丁说:“耶和华所吩咐摩西律法中的条例乃是这样:
Ipapo Ereazari muprista akati kuvarwi vakanga vaenda kuhondo, “Hezvino zvinodikanwa
22 金、银、铜、铁、锡、铅,
pamurayiro wakapiwa Mozisi naJehovha: goridhe, sirivha, ndarira, simbi, tini, mutobvu
23 凡能见火的,你们要叫它经火就为洁净,然而还要用除污秽的水洁净它;凡不能见火的,你们要叫它过水。
nezvimwewo zvisingaparadzwi nomoto; zvinofanira kuiswa mumoto, ipapo zvichava zvakanaka. Asi zvinofanirawo kucheneswa nemvura yokunatsa. Uye zvose zvisingagoni kukunda moto zvinofanira kupinzwa nomumvura imomo.
24 第七日,你们要洗衣服,就为洁净,然后可以进营。”
Pazuva rechinomwe musuke nguo dzenyu, ipapo muchava vakachena. Ipapo mungazochipinda henyu mumusasa.”
25 耶和华晓谕摩西说:
Jehovha akati kuna Mozisi,
26 “你和祭司以利亚撒,并会众的各族长,要计算所掳来的人口和牲畜的总数。
“Iwe naEreazari muprista navakuru vemhuri veungano munofanira kuverenga vanhu vose nezvipfuwo zvakapambwa.
27 把所掳来的分作两半:一半归与出去打仗的精兵,一半归与全会众。
Mugovere zvakapambwa pakati pavarwi vakaenda kuhondo uye navakasara muungano.
28 又要从出去打仗所得的人口、牛、驴、羊群中,每五百取一,作为贡物奉给耶和华。
Kubva kuvarwi vakanga vandorwa kuhondo, utsaure somutero waJehovha chinhu chimwe chete pazvinhu mazana mashanu, vangava vanhu, mombe, mbongoro, makwai kana mbudzi.
29 从他们一半之中,要取出来交给祭司以利亚撒,作为耶和华的举祭。
Utore mutero uyu kubva pahafu yavo yomugove wavo ugopa kuna Ereazari muprista somugove waJehovha.
30 从以色列人的一半之中,就是从人口、牛、驴、羊群、各样牲畜中,每五十取一,交给看守耶和华帐幕的利未人。”
Kubva kuhafu inova yavaIsraeri, utsaure chinhu chimwe chete kubva pamakumi mashanu oga oga, vangava vanhu, mombe, mbongoro, makwai, mbudzi kana zvimwe zvipfuwo. Uzvipe kuvaRevhi, ivo vane basa rokuchengeta tabhenakeri yaJehovha.”
31 于是摩西和祭司以利亚撒照耶和华所吩咐摩西的行了。
Saka Mozisi naEreazari muprista vakaita sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.
32 除了兵丁所夺的财物以外,所掳来的:羊六十七万五千只;
Zvakatapwa zvakasara pane zvavakapamba zvakanga zvatorwa navarwi zvaisvika zviuru mazana matanhatu namakumi manomwe nezvishanu zvamakwai,
33 牛七万二千只;
mombe zviuru makumi manomwe nezviviri,
34 驴六万一千匹;
mbongoro zviuru makumi matanhatu nechiuru chimwe chete
35 女人共三万二千口,都是没有出嫁的。
uye vakadzi zviuru makumi matatu nezviviri vakanga vasina kumbovata navarume.
36 出去打仗之人的分,就是他们所得的那一半,共计羊三十三万七千五百只,
Hafu yomugove wavaya vakarwa muhondo yaiva: makwai zviuru mazana matatu namakumi matatu nezvinomwe, namazana mashanu,
37 从其中归耶和华为贡物的,有六百七十五只;
mutero waJehovha paari wakanga uri makwai mazana matanhatu namakwai manomwe namashanu;
38 牛三万六千只,从其中归耶和华为贡物的,有七十二只;
mombe dzaisvika zviuru makumi matatu nezvitanhatu, mutero waJehovha padziri waiva mombe makumi manomwe nembiri;
39 驴三万零五百匹,从其中归耶和华为贡物的,有六十一匹;
mbongoro dzaiva zviuru makumi matatu namazana mashanu, mutero waJehovha padziri wakanga uri mbongoro makumi matanhatu neimwe chete;
40 人一万六千口,从其中归耶和华的,有三十二口。
vanhu vaisvika zviuru gumi nezvitanhatu, mutero waJehovha pavari waiva vanhu makumi matatu navaviri.
41 摩西把贡物,就是归与耶和华的举祭,交给祭司以利亚撒,是照耶和华所吩咐摩西的。
Mozisi akapa mutero kuna Ereazari muprista somugove waJehovha, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.
42 以色列人所得的那一半,就是摩西从打仗的人取来分给他们的。(
Hafu yakanga iri yavaIsraeri, yakatsaurwa naMozisi kubva kuvarume vehondo,
43 会众的那一半有:羊三十三万七千五百只;
hafu yeungano yaiva makwai zviuru mazana matatu namakumi matatu namanomwe, namazana mashanu,
44 牛三万六千只;
mombe zviuru makumi matatu, nezvitanhatu,
45 驴三万零五百匹;
mbongoro dzaiva zviuru makumi matatu, namazana mashanu
46 人一万六千口。)
uye vanhu vaiva zviuru gumi nezvitanhatu.
47 无论是人口是牲畜,摩西每五十取一,交给看守耶和华帐幕的利未人,是照耶和华所吩咐摩西的。
Kubva pahafu yaiva yavaIsraeri, Mozisi akatsaura munhu mumwe chete kubva pavanhu makumi mashanu, chipfuwo chimwe chete kubva pazvipfuwo makumi mashanu, sezvakarayirwa naJehovha, akazvipa kuvaRevhi, vakanga vane basa rokuchengeta tabhenakeri yaJehovha.
48 带领千军的各军长,就是千夫长、百夫长,都近前来见摩西,
Ipapo machinda akanga ari vatariri vamapoka ehondo, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana vakaenda kuna Mozisi
49 对他说:“仆人权下的兵已经计算总数,并不短少一人。
vakati kwaari, “Varanda venyu vaverenga varwi vari pasi pedu, hapana kana mumwe chete asipo.
50 如今我们将各人所得的金器,就是脚链子、镯子、打印的戒指、耳环、手钏,都送来为耶和华的供物,好在耶和华面前为我们的生命赎罪。”
Saka tauya nechipo kuna Jehovha chezvishongo zvegoridhe zvakawanikwa nomumwe nomumwe wedu, zvishongo zvegoridhe, mhete dzomumaoko, mhete dzomunzeve nouketani hwomumutsipa kuti tizviyananisire pamberi paJehovha.”
51 摩西和祭司以利亚撒就收了他们的金子,都是打成的器皿。
Mozisi naEreazari muprista vakagamuchira kubva kwavari goridhe, zvinhu zvose zvakanga zvakaitwa noumhizha.
52 千夫长、百夫长所献给耶和华为举祭的金子共有一万六千七百五十舍客勒。
Goridhe rose rakabva kuvatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana rakapiwa kuna Jehovha naMozisi naEreazari muprista rairema mashekeri zviuru gumi nezvitanhatu, namazana manomwe namakumi mashanu.
53 各兵丁都为自己夺了财物。
Murwi mumwe nomumwe akanga azvitorera zvake zvakapambwa.
54 摩西和祭司以利亚撒收了千夫长、百夫长的金子,就带进会幕,在耶和华面前作为以色列人的纪念。
Mozisi naEreazari muprista vakagamuchira goridhe rakabva kuvatungamiri vezviuru nokuvatungamiri vamazana vakariisa muTende Rokusangana kuti chive chirangaridzo chavaIsraeri pamberi paJehovha.

< 民数记 31 >