< 詩篇 105 >
1 【上主向先民顯的奇蹟】請眾感謝上主,呼號祂的聖名,請眾在萬民中,傳揚祂的聖名。
Vongai Jehovha, danai kuzita rake; zivisai zvaakaita pakati pendudzi.
Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza; rondedzerai mabasa ake ose anoshamisa.
3 請您們以祂的聖名為光榮,願尋求上主的人樂滿心中。
Ngarikudzwe zita rake dzvene; mwoyo yavanotsvaka Jehovha ngaifare.
4 請眾尋求上主和祂的德能,要時常不斷追求祂的儀容。
Tarirai kuna Jehovha nokusimba rake; tsvakai chiso chake nguva dzose.
5 請您們記念祂所行的奇蹟,祂的異事和祂口中的判詞。
Rangarirai zvishamiso zvaakaita, mabasa ake, nezvaakatonga zvaakareva,
6 天主的僕人亞巴郎的後裔,上主揀選的雅各伯的兒子!
imi vana vaAbhurahama muranda wake, haiwa vanakomana vaJakobho, vasanangurwa vake.
7 祂是上主,是我們的天主,祂的統治遍及普世各處。
Ndiye Jehovha Mwari wedu; kutonga kwake kuri munyika yose.
8 祂永遠懷念著自己的盟約,直到萬代不忘自己的許諾;
Anorangarira sungano yake nokusingaperi, iro shoko raakarayira, kuchiuru chezvizvarwa,
sungano yaakaita naAbhurahama, mhiko yaakapika kuna Isaka.
10 為雅各伯立為不移的規條,向以色列立為永遠的盟約,
Akaisimbisa kuna Jakobho somutemo, nokuna Israeri sesungano isingaperi achiti,
11 說:我必將客納罕地賜給您,作您們產業的一分子。
“Ndichapa nyika yeKenani kwauri somugove wenhaka yako.”
Pavaiva vashoma pakuwanda, zvirokwazvo vari vashoma, uye vari vaeni mairi,
13 從這一族系遷移到另一族系,從這一國家飄流到另一地域。
vakadzungaira vachibva kuno rumwe rudzi kusvikira kuno rumwe rudzi. Kubva kuno humwe ushe vachienda kuno humwe.
14 祂不但不讓人把他們壓迫,且為了他們還把眾王責斥,
Haana kutendera munhu kuvadzvinyirira; akatuka madzimambo nokuda kwavo achiti,
15 說:您們決不可觸犯我的受傅者,您們切不可把我的先知傷害!
“Musabata vazodziwa vangu; musaitira vaprofita vangu zvakaipa.”
16 以後祂使飢荒籠罩那地,斷絕了食糧的任何供給。
Akadana nzara panyika ikaparadza zvose zvaiuyisa zvokudya;
17 在他們以前祂將一人遣去,就是那被出賣為奴隸的若瑟。
uye akatuma munhu pamberi pavo, iye Josefa, akatengeswa senhapwa.
Vakakuvadza tsoka dzake nezvisungo mutsipa wake ukaiswa mumatare esimbi,
19 直到他所講的那預言實現,上主的話才在他身上應驗。
kusvikira zvaakareva zvazadziswa, kusvikira shoko raJehovha raratidza kutendeka kwake.
Mambo akatuma shoko kuti asunungurwe, vatongi vavanhu vakamuregedza.
Akamuita tenzi weimba yake, nomutongi wepfuma yake yose,
22 讓他隨意指導通國的王侯,以其智謀教訓通國的長老。
kuti arayire machinda ake sezvaaida uye adzidzise vakuru vake njere.
23 從此以色列進入了埃及,雅各伯也就在含邦作客。
Ipapo Israeri akapinda muIjipiti; Jakobho akagara somweni munyika yaHamu.
Jehovha akawanza vanhu vake chose; akavaita vazhinji kwazvo kupinda vavengi vavo,
25 祂轉變他們的心,仇恨祂的百姓,讓他們陰險殘酷對待祂的僕人。
avo vaakashandura mwoyo yavo kuti ivenge vanhu vake, kuti varangane pamusoro pavaranda vake.
Akatuma Mozisi muranda wake, naAroni, waakanga asarudza.
Vakaita zviratidzo zvinoshamisa pakati pavo, izvo zvishamiso zvake munyika yaHamu.
28 上主命降黑暗,立時天昏地暗;然而埃及人卻反抗祂的聖言。
Akatumira rima akaita kuti nyika ive murima, nokuti havana kumukira shoko rake here?
Akashandura mvura yavo zhinji ikava ropa, zvikaita kuti hove dzavo dzife.
30 蝦蟆在他們的土內蕃生,跳進了他們眾王的內宮。
Nyika yavo yakazara namatatya, akapinda mudzimba dzamadzimambo avo.
31 祂一發令,蒼蠅便成群飛來,蚊蚋也在他們的各地徘徊,
Akataura mapupira enhunzi akauya, nenda munyika yavo yose.
32 代昝時雨,為他們降下冰雹,在他們全國各地雷電閃爍,
Akashandura mvura yavo ikava chimvuramabwe, nemheni munyika yavo yose;
33 打壞他們的葡萄和無花果樹,又擊倒了他們國內的樹木。
akarova mizambiringa yavo nemionde yavo, akaparadza miti yomunyika yavo.
Akataura, mhashu dzikauya, namagutaguta asingaverengeki;
35 吃光他們地裏所有的青草,吞盡他們田間所有的百果。
zvakadya miriwo minyoro yose munyika yavo, zvikadya zvibereko zvevhu ravo.
36 祂打擊境內所有的頭胎,將強壯的長子全部殺害。
Ipapo akarova matangwe munyika yavo, zvibereko zvokutanga zvesimba roujaya hwavo.
37 祂領出滿載金銀的以色列,王支派中沒有一個人殘缺。
Akabudisa Israeri akaremerwa nesirivha negoridhe, kwakanga kusina akagumburwa pakati pamarudzi avo.
38 以色列出走,埃及人無不觀愉, 因為那實在叫他們戰兢恐懼。
Ijipiti yakafara pavakabva, nokuti kutya vaIsraeri kwakanga kwavabata.
39 祂展佈雲彩,用以掩護遮陰,祂樹立火柱,為在夜間照明。
Akatatamura gore rikava chifukidzo, uye moto kuti uvhenekere usiku.
40 他們一懇求,祂就送來鵪鶉,用天降的食糧,飽飫了他們。
Vakakumbira, iye akavauyisira zvihuta, uye akavagutsa nechingwa chakabva kudenga.
41 祂闢開了岩石,使水湧出,在沙漠中好像江河流注。
Akazarura dombo, mvura ikatubuka; ikayerera mugwenga sorwizi.
42 因為祂沒有把祂神聖的許諾遺忘,並且也常懷念著祂的僕人亞巴郎。
Nokuti akarangarira mhiko yake tsvene yaakapa Abhurahama muranda wake.
Akabudisa vanhu vake nomufaro, vasanangurwa vake nokupembera kwomufaro;
44 給劃分了異民的領土,使他們佔領了外人的財富,
akavapa nyika dzendudzi, vakagara nhaka yakanga yatamburirwa navamwe,
45 為叫他們遵行祂的誡命,格守祂的命令。阿肋路亞。
kuti vachengete zvaakatema uye vacherechedze mirayiro yake. Rumbidzai Jehovha.