< 以賽亞書 33 >
1 禍哉,你這不受侵害而侵害人,不受劫掠而劫掠人的人!當你侵害完了,你將遭受別人的侵害;當你劫掠完了,你將遭受別人的劫掠。
Une nhamo iwe, muparadzi, iyewe usati wamboparadzwa! Une nhamo iwe, mupanduki, iyewe usati wambopandukirwa! Paunorega kuparadza, iwe uchaparadzwa; paunorega kupandukira, iwe uchapandukirwa.
2 上主啊!憐恤我們罷!我們仰望你,每日清晨,請作我們的臂膊!在窘迫時,請作我們的救援!
Haiwa Jehovha, tinzwirei tsitsi; tinokupangai imi. Ivai simba redu mangwanani oga oga, noruponeso rwedu panguva yokutambudzika.
3 叫囂的聲音一響,民眾遂即逃遁;你一奮起,萬民便都潰散。
Pakutinhira kwenzwi renyu, ndudzi dzinotiza; pamunosimuka, marudzi anopararira.
4 人們收集掠物,有如拾取蚱蜢;急於劫掠,有如蝗蟲疾跳。
Haiwa imi ndudzi, zvakapambwa zvenyu zvachekwa kunge zvachekwa nemhashu diki; vanhu vanomhanyira kwazviri segwatakwata remhashu.
5 上主是崇高的,因為他居於高處;他以正義和公平充盈了熙雍。
Jehovha asimudzirwa, iye anogara kumusoro; achazadza Zioni nokururamisira nokururama.
6 他是你命運的保障,得救的府庫、智慧和明智;敬畏上主, 將是你的寶藏。
Achava nheyo yechokwadi yenguva yenyu, nedura repfuma yoruponeso, uchenjeri nezivo; kiyi yepfuma iyi ndiko kutya Jehovha.
Tarirai, mhare dzavo dzinodanidzira munzira dzomumisha; nhume dzorugare dzinochema zvikuru.
8 大路已經荒廢,行旅已經絕跡。他撕毀了盟約,藐視了證人,不顧及任何人。
Migwagwa mikuru yasiyiwa, vafambi havachisimo mumigwagwa. Sungano yaputswa, zvapupu zvayo zvazvidzwa, hapachina anoremekedzwa.
9 地域悽慘頹廢,黎巴嫩慚赧憔悴,沙龍變成荒野,巴商和加爾默耳搖曳凋零。
Nyika inochema uye yoparara, Rebhanoni yanyadziswa uye yasvava; Sharoni yafanana neArabha, uye Bhashani neKarimeri dzakurumuka mashizha adzo.
10 上主說:「現在我要起來,現在我要奮發,現在我要受尊崇!
“Zvino ini ndichasimuka,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Zvino ini ndichakudzwa; zvino ini ndichasimudzirwa pamusoro.
11 你們所懷的是枯草,所生的是碎湝;我的氣息有如火燄,必將你們焚盡!
Munoita mimba yehundi, munobereka mashanga; kufema kwenyu ndiwo moto unokuparadzai.
12 萬民將被焚燒,有如石灰,又如斬斷的荊棘燬於火中。
Marudzi achapiswa kunge suko; vacharirima kunge huni dzeminzwa dzakatemwa.”
13 遠方的人要聽到我的作為,近處的人要嘗試我的能力!」
Imi vari kure, inzwai zvandakaita; imi vari pedyo, bvumai kuti ndine simba!
14 熙雍的罪人戰兢害怕,不法之徒為恐懼所攫:「我們中誰能與吞噬的烈火同居﹖我們中誰能與不滅的烈燄共處﹖」
Vatadzi vari muZioni vavhundutswa; vasina Mwari vodedera: “Ndianiko pakati pedu angagare nomoto unopisa nokusingaperi?”
15 那行走正道,出言真誠的,鄙棄欺詐入息的,搖手不受賄賂的,充耳不聞流血陰謀的,閉眼不看邪惡的:
Iye anofamba nokururama uye anotaura zvakanaka, anoramba pfuma inobva pakumanikidza uye anodzivisa ruoko rwake kugamuchira fufuro, anodzivisa nzeve dzake kunzwa rangano dzokuuraya, uye anotsinzina meso ake kuti arege kuona zvakaipa,
16 這樣的人要居高處,巖石上的保壘將作他的保障,他的食物有人供應,他的水可得保全。
uyu ndiye munhu achagara pakakwirira, nhare dzegomo dzichava utiziro hwake. Zvokudya zvake achazvipiwa, uye haangashayiwi mvura.
17 你必要舉目瞻仰具有華美的君王,要遙望幅員廣闊的地帶。
Meso ako achaona mambo pakunaka kwake; uye achatarira nyika yakakura kwazvo.
18 你的心追憶起已往的恐怖時,要說:「登記的人員在那裏呢﹖量銀的人員在那裏呢﹖數點城堡的人又在那裏呢﹖」
Mundangariro dzako ucharangarira zvaimbokutyisa ugoti: “Aripiko muchinda mukuru uya? Aripiko uya aimbotora mutero? Aripiko muchinda aiva mutariri weshongwe?”
19 你再見不到那野蠻的民族,即言語深邃而難以領悟,說話口吃而不易理喻的民族。
Vanhu vaya vokuzvikudza hauchazovaonazve, ivo vanhu vomutauro wakavanzika, vorurimi rwavo, rusinganzwiki.
20 你將觀看熙雍,我們集會的城邑;你的眼將見到耶路撒冷,安全的寓所,不動搖的帳幕;她的木樁永不能拔出,她所有的繩索也不能拉斷。
Tarirai Zioni, iro guta remitambo yedu; meso enyu achaona Jerusarema, ugaro hworunyararo, tende risingazozungunuswi; mbambo dzaro hadzingadzurwi, kana mabote aro kudamburwa.
21 榮耀的上主在那裏將作我們的巨川大河,沒有舟楫往來其間,也沒有遊艇划過。
Asi Jehovha achava Wamasimba Ose kwatiri. Richafanana nenzvimbo yenzizi dzakapamhamha uye nehova. Magwa anokwasviwa haangasvikiko, uye zvikepe zvikuru hazvingapfuuri.
22 它的繩索鬆弛了,沒有穩固桅杆的力量,也沒有扯起船帆的力量。
Nokuti Jehovha ndiye mutongi wedu, Jehovha ndiye anotipa murayiro, Jehovha ndiye mambo wedu; ndiye achatiponesa.
23 因為上主是我們的判官,上主是我們的立法者,上主是我們的君王,他必拯救我們。
Mabote ako ava dembutembu: Haagoni kusimbisa mbambo yechikepe, sairi harina kutambanudzwa. Ipapo zvakapambwa zvakawanda zvichagoverwa, uye kunyange chirema chichawanawo zvakapambwa.
24 那時,瞎子要分得許多戰利品,瘸子要取得擄獲物。 沒有一個居民再會說:「我病了。」住在那裏的人必將獲得罪赦。
Hapana agere muZioni achati, “Ndinorwara,” uye zvivi zvavanogaramo zvicharegererwa.